Muroora mukadzi waani?
Kingstone Mapupu MUTSIKA nemagariro evatema muZimbabwe, tezvara nemuroora vanhu vanoremekedzana zvekuti hapana pekuti vaviri ava vangafarise zvekuita kunge varamu. Kugarisana kwavo kwakazara nekunyarana. Ndokusaka muroora achitarisirwa kupfeka mbatya refu kana…
Anongobuda mukaka
Kingstone Mapupu… MUKADZI wechidiki wekuBudiriro 2, muHarare anoti ane dambudziko rinoshamisa! Anogara achibuda mukaka mumazamu ake zvisinei nekuti haana mwana mucheche, achirota akakombwa netuvana twakawanda nekuenda mumagumbeze nevarume vakasiyana –…
Zvikoro zvakasima miti
Daphne Machiri FRIENDS of the Environment (FOTE), iyo iri pasi peNyaradzo Group, nebepanhau reKwayedza zvakarumbidzwa zvikuru nebasa razviri kuita rekukurudzira kudyarwa kwemiti muzvikoro nenharaunda kumativi mana enyika. Kurudziro iyo yakaitwa naVaZacharia…
Bosso: shasha 11 (1923-2015)
Charles Mabika MUSHURE mekuburitsa mafungiro angu panyanzvi dzeDynamos svondo rapfuura, vaverengi vakada kuti bhora rifambire mberi, tiburitse chikwata chemandorokwati cheHiighlanders kubva gore rachavambwa muna1923 kusvikira 2015. Hevanoi vatambi vacho, vakarongwa inonzi
Nyakudya moto ‘Nero’ akashaya
Muchaneta Chimuka FRANK “Nero” Kiriyadoro — murume wekuita mukurumbira achifadza vanhu munaFirst Street, pakati peguta reHarare, kuburikidza nekuita mashiripiti anosanganisira kudya nekusvipa moto achifamba pawaya —hakuchisina. Nero (48) akashaya svondo rapera…
Harahwa yakaramwirwa chitunha
Kingstone Mapupu AKAVE masvandikongonya kutarisana kwevakarambana pane imwe nhamo kwaMashayamombe kuMhondoro nemusi weSvondo wadarika apo mukuwasha airamwirwa chitunha chemudzimai wake nemadzitevara nekuda kwezvikonzero zvakasiyana izvo zvinosanganisira kuti ainzi aive
Musamirira rufu kuti muripisane
PANE chirevo chinoti, “Wafa wanaka” zvichireva kuti kana munhu afa haanai chipomerwa chaangapihwa nevapenyu. Izvi hazvinei nekuti vamwe vangave vaine ruzivo nemabasa akaipa aiitwa nemushakabvu. Asi dzimwe nguva panofa munhu panogona kumuka…
‘Farirai mitauro yenyu’
Daphne Machiri MWANA wechikoro uyo anofarira kunyora mabhuku anoti zvakakosha kuti vechidiki vadade nerurimi rwaamai uye kuti vave nechido chekunyora sezvo zvichisimudzira mutauro wavo. Angeline Tariro Shati (17), uyo ari kuita…
Sipo kuvana vechikoro
Sandy Musungata KAMBANI yeUnilever yakaparura chirongwa cheLifebouy School of 5, icho chichaita kuti ifambe muzvikoro ichidzidzisa vana kukosha kwehutsanana hwakaita sekugara munharaunda yakatsvinda uye kugeza mawoko. Vachitaura pachikoro cheMberi Primary School,
‘Mumarara mune mari’
Muchaneta Chimuka KUNYANGWE zvazvo vanhu vakawanda vachitora marara sezvinhu zvisina maturo, kune vamwe vari kuwana raramo kubva maari kuburikidza nekuanhonga vachiatengesera kumakambani. Sangano reEnvironmental Management Agency (EMA) svondo rapera rakabatana nevatori










