Zim yakahwinha menduru 3 kuJoni
Abel Ndooka CHIKWATA cheZimbabwe Wheelchair and Handcycling chakakwanisa kuhwina menduru nhatu, mbiri dzegoridhe neimwe chete yesirivha, kumujaho weOtaniqua Wheelchair Challenge uyo wakamhanyirwa kuGeorge kuSouth Africa masvondo adarika. Vatambi vanoti Wilson
‘Ipai vana chikafu chinovaka muviri’
Daphne Machiri GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti zvakakosha kuti vana vechikoro vawaniswe kudya kunovaka muviri kuitira kuti vagodzidza zvakanaka. Vakataura mashoko aya svondo rapera pakuparurwa kwebhuku rezvekudya zvevana,…
— ziva —
VANA VEMHUKA KUNE mhuka dzakawanda dzinobereka vana vanodaidzwa kuti “mhuru”. Sengwarati, iyo iri pamufananidzo, mwana wayo anonzi mhuru uye inowanikwa mumasango kwakawanda muZimbabwe. PachiRungu inonzi “sable” uye ndiyo ine mufananidzo…
A-LEVEL — PAFUNGE
Anna anodhakwa Ticha Tichaziva CHITSAUKO 4 (Nyaya yacho: Enderero mberi) Anna anoti ko zvaari mukoti wachozve, angatsvuka zvokuita somukaradhi here, Josiah kwava kunyepedzera kuvhunduka, ndokutanga kutaura manyepo aakanga akaronga vanhu…
Bhishopu akarova bara
Hardway Nyakuwarwa MUMWE bhishopu anonzi akatiza papurupiti apo aiparidza mushure mekunge aimbove mudzimai wake aenda kuchechi nemupurisa vachida kumupa masamanisi ekuti aende kudare. Izvi zvakabuda muHarare Civil Court apo Never Mbizi…
Muchazviona: Zvii zvacho?
NDINODZOKA zvakare kutsika nemagariro echivanhu, tsika nemagariro andinombotsoropodza pano pana Kuziva Mbuya Huudzwa mamwe mazuva. Vamwe vangazviramba kuti tsika dziri kuerera takatarisa, asi ichi ndicho chokwadi chakazara. Panozvarwa mwana, panoroorwa…
Kutama College: Dzidzo nebudiriro
ZIMBABWE ndiyo nyika iri pamusoro-soro panyaya dzedzidzo kana kuti ye“literacy rate” muAfrica yose. Zvirango zvoupfumi zvisiri pamutemo zvakatemerwa nyika makore 15 apfuura zvashaya basa kana tasvika panyaya yedzidzo. Tiri kungofambira…
Kunyora tsamba
Ticha Danga IYI iyambiro huru kunewe mwana wegwaro rechinomwe, kuti usazoti kana nguva yapera ndipo paunoda kuzomuka kana kuchenjera iwe wambenge wakati zvako pfavava. Ndiko kusaka takati rigamhe richabva hwedza…
Vechidiki vanogona kuunza mutsauko
SANGANO reStudent Global AIDS Campaign (SGAC), iro rinoshanda pamwe chete nereHealth GAP, riri mushishi yekudzidzisa vechidiki muzvikoro zvepamusoro zvakasiyana pamusoro peHIV neAids zvakaita semashandisiro emari yekurapwa kune vanorarama neutachiona uhu
Okurudzira kudyarwa kwemiti munyika
Kingstone Mapupu MURIMISI akasiya basa uyo ave pamudyandigere oshanda nevarimi kumatunhu akasiyana enyika achikurudzira chirongwa chekudyarwa kwemiti. VaCephas Nyamavhuvhu (57), avo vanogara kuNew Canaan kuHighfield, vanoti vave kushandisa ruzivo rwavo rwavakawana…







