Musamirira rufu kuti muripisane

PANE chirevo chinoti, “Wafa wanaka” zvichireva kuti kana munhu afa haanai chipomerwa chaangapihwa nevapenyu. Izvi hazvinei nekuti vamwe vangave vaine ruzivo nemabasa akaipa aiitwa nemushakabvu. Asi dzimwe nguva panofa munhu panogona kumuka kupesana, kana kurwisana chaiko, nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

Seimwe nyaya yatinayo svondo rino, yemusharukwa wekuMhondoro ane makore 86 okuberekwa, uyo anonzi akaramwirwa chitunha chemudzimai wake apo madzitezvara vaida kuripwa vachiti harahwa iyi yakange isina kuvaudza kuti mwana wavo airwara kusvikira pakuzofa.

Harahwa yemukuwasha iyi yakatoripa mombe mbiri ne$400 zvikaita kuti vanatezvara ava vabvume kuviga mukadzi wake.
Nyaya dzerudzi urwu dzinogara dzichiitika kumativi mana enyika.

Zvikonzero zvinoita kuti vanhu varamwirane chitunha zvakawanda, sekuti dzimwe nguva mukuwasha anenge achinzi haana kuroora kana kuti kupedzisa pfuma yeroora.

Kune vamwe vanoramwidzana chitunha zvakare nekuda kwekutadzirana kunenge kwakaitwa, sekuti vazukuru kana vakatadzira amai vavo vanasekuru hanzvadzi dzaamai ava vanogona kuramba kuviga mufi vachida kutanga varipwa. Semaonero edu, nguva yerufu haizi yekuomeserana asi kunyaradzana pamusoro penhamo inenge yawira mhuri.

Kazhinji nyaya dzekuramwirana zvitunha idzi dzinopedzisira dzasvika kumapurisa ayo anozopindira achiti mutumbi unofanirwa kuvigwa vapenyu vazosara vachikurukura kuti vogadzirisa sei zvinenge zvichinetsa.

Chinoshamisa pamwe nekunetsa ndechekuti sei vamwe vanhu vachida kumirira musi unofa munhu kuti vazogadzirisa mataka avo kana kuti kusawirirana kwavo? Zvinobatsirei kuita makakatanwa ekuripisana iwo mutumbi uri mumba?

Semaonero edu, tsika iyi yakaipa nekuti ine hudyire mukati pamwe nekumbunyikidzana.
Vanhu vanofanira kugara vachinzwisisana kana pane zvinonetsa zvogadziriswa nguva iripo kwete kuzotsvaga kuomeserana musi werufu.
Zvimwe zviri kukonzerwa nekuti mazuva ano rufu rwunoita serusisina chiremerera kusiyana nakare.

Tinodaro nekuti zvimwe zvave kuitwa izvi, zvekuramwidzana chitunha, kare zvakange zvisiko uye zvaiera.
Kana mufi akafa nechigumbu aimuka oga kwete izvo zvekuti vanhu vanenge vaine bhuku rakazara zvinhu zvinenge zvichinzi zvinoda kuripwa.

Nhasi uno kune vamwe vekuti hama yavo ikafa vanoti vatowana pekupfumira. Tinofanira kudzoreredza tsika dzedu nekuti zvimwe zvave kuitwa mumarufu kurasa gwara rechivanhu chaiko.

Hongu, chiRungu chakauya asiwo zvakakosha kuziva kuti chakauya nechirungurira.
Nguva yerufu ndeyekuonekadzana nemushakabvu, kwete kubatana senhapwa.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×