‘Farirai mitauro yenyu’

ANGELINE Tariro Shati
ANGELINE Tariro Shati

Daphne Machiri
MWANA wechikoro uyo anofarira kunyora mabhuku anoti zvakakosha kuti vechidiki vadade nerurimi rwaamai uye kuti vave nechido chekunyora sezvo zvichisimudzira mutauro wavo. Angeline Tariro Shati (17), uyo ari kuita A-Level paHillbrite Science College muHarare, anoti zvekunyora mabhuku zvagara zviri muropa rake.

“Ndakanyora bhuku rinonzi Zvirimo Mukugarisana iro randisati ndadhidhisa gore rapera. Chakaita kuti ndive nepfungwa dzekunyora bhuku iri kutarisa kwandaita raramo yevanhu vechitema ndichikura uye mumhuri yandigere,” akadaro Shati.

“Ndakatora mwedzi kunyora bhuku rine mapeji 50 iri. Rinotsanangura upenyu hwevanhu vechitema, kubatana kwavo nekukoshesa kwatinoita mhuri, chivanhu, tsika, magariro nehukama. Zvakare rinotsanangura siyano yepasichigare nekurarama kwechimanje-manje.

“Ndinonyora zvakare nhetembo, nziyo nemafirimu nemutauro waamai wechiShona. Ndinokurudzira vechidiki kuti vave nechido chekunyorawo mabhuku nemutauro waamai kuti vanhu vanzwisise zvinyorwa zvavo.”

Musikana uyu anoti anowana kurudziro mukunyora mabhuku nenhetembo kwaanoita kubva kuvadzidzisi pamwe nevabereki vake. Ndinonyora madhirama kuchikoro vamwe vana vozoekita, zvakare ndine mubairo wekunyora nhetembo kubva kubepanhau reKwayedza. Iye zvino pachikoro pangu huwandu hwevadzidzi vari kufarira chidzidzo cheShona huri kuwedzera,” anodaro.

“Ndinokurudzira kune zvikoro zvisina chidzidzo cheShona kuti vatange kuita chidzidzo ichi nekuti chakakosha uye chinotivaka hunhu hwakanaka isu sevechidiki,” akadaro Shati.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×