Cazorla haasi kuenda

Sp4
Santo Cazorla

MUTAMBI weArsenal, Santi Cazorla, anoti haasi kuzobva kuchikwata ichi achidzokera kunotambira nhabvu yake kuSpain mwaka uno.Izvi zvinotevera mashoko ange achiburitswa nemapenhau ekuti Cazorla anoda kutengwa neshasha dzemuPrimera Division Atletico Madrid.

Asi mutambi uyu, uyo anove chizvarwa chekuSpain, anoti haana chaanoziva pamusoro penyaya iyi uye kuti inyaya dzinongonyorwa nemapepanhau dzisina chokwadi mukati.

Anoti chinhu chikuru chaari kufunga nezvacho kuhwina nemaGunners. Paakabvunzwa nezvekudiwa kwaari kuitwa neAtletico, Cazorla uyo ane makore 29 okuberekwa uye akanwisa svondo radarika apo Arsenal yakakunda Manchester City 3-0 mumutambo weFA Community Shield akati, “Ndakazviverenga mumapepanhau akawanda, asi hapana akambouya kwandiri achindiudza chinhu pamusoro pazvo uye zvandinongoziva ndakazviverenga mumapepanhau saka hapana chandinoziva,” akadaro.

“Ndiri kungofunga zvekutirena kuno bedzi pamwe nekutambira Arsenal. Inhau dzemumapepanhau chete. Ndiri kufara kuno uye ndinoremekedzwa nevanhu vese kuno pamwe nevatsigiri vedu saka ndinovimba kuti tichahwina mikombe yakawanda gore rino.”

Cazorla akatengwa neArsenal mugore ra2012 achibva kuMalaga uye akambotambira zvimwe zvikwata zvinoti Villarreal neRecreativo Huelva zvekuSpain. — MailOnline.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×