Cde Chinos vovakisa chikoro chemabasa

VECHIDIKI kudunhu reBuhera South vanotarisirwa kubatsirikana zvikuru nechikoro chitsva chemabasa emawoko icho chiri kuvakwa pedyo nenzvimbo yemabhizimisi yeMushongwi kuburikidza nenhengo yeParamende inomirira dunhu iri, Cde Joseph Chinotimba.

Muhurukuro naCde Chinotimba svondo rapera, vakati vakatocheresa zvibhorani zvitatu panzvimbo ichavakirwa Buhera South Constituency Training Centre.

“Ndine mawards 8 mudunhu rangu saka tichada kutanga nekuti vechidiki vadzidze kupfuya huku, izvozvi matanga akapera aya ndine huku 9 000 dzandakatotenga,” vakadaro Cde Chinotimba.

“Tiri kutaura nemadzishe ekuno kuti minda iri kuseri kwebhizimisi rangu pano tivake zvivakwa zvedu zvakakura sezvo zvichida nzvimbo huru. Zvinhu zvakaita sezvikochikari hatidi kuti zvizobva kuHarare, Mutare kana kuChivhu.

“Basa rekukodzwa kwemombe richaitwa muno, zvose panzvimbo imwe chete,” vakadaro Cde Chinotimba, avo vanodaidzwazve kuti “Cde Chinos”.

Vanoti magetsi aripo kare panzvimbo iyi izvo zvichaita kuti zvidzidzo zvive nyore.

Sachigaro weZanu-PF kuBuhera South, VaElliot Munyavi (59), avo vari kuona nezvekuvakwa kwechikoro ichi, vanoti vane tarisiro yekuti chichatanga kushanda mumwedzi waKurume gore rino.

“Nekuona kuti tine vana vakawanda vari kupedza zvikoro vanongogara mumisha votevedza ndari nekumhanyisana nepfambi, takaona kuti zvakakosha kuve nechikoro chakadai.

“Chichange chakasiyana nezvimwe nekuti tiri kuvaka zvirugwi zvehuku nezvenguruve, nzvimbo dzekuvezera, magaraji ekugadzira zvinhu vachinama nemoto kana nemotokari,” vakadaro VaMunyavi.

Related Posts

Mahwekwe nebindu rembanje mapurisa achifeya nyaya yokuba

MAPURISA ekuChipinge akasunga mumwe murume svondo rapera mushure mekuona bindu raive rakadyarwa mbanje apo vaiferefeta nyaya yekubiwa kwepombi dzemadiridziro pane rimwe purazi reko, iyo yakanga isina chokuita nembanje dzakazowanikwa idzi.…

Motokari ine chitunha yabatira moto

Arron Nyamayaro VAMWE vanhu vaive parwendo rwekunoviga hama yavo kumusha vakamhanyidzana kubvisa bhokisi raive nechitunha mumotokari inotakura vafi zvichitevera kubatira kwayakaita moto kuArdbennie, muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino. Vakaona izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×