Gadziriro dzeparalympics dzotanga

GADZIRIRO dzemakwikwi emaNational Paralympic Games ayo akangana kusimudzira matarenda evanhu vanorarama nehurema mune zvemitambo dzotanga.

Gore rino makwishu aya achaitwa muHarare kubva musi waKubvumbi 1 kusvika 5.

Vachitaura nezvemakwikwi aya, ayo gore rino ava kusvitsa makore masere avambwa, chamangwiza wekomiti iri kuronga mitambo iyi muHarare, VaNathaniel Madzivanyika, vanoti vakatotanga gadziriro dzemakwishu aya.

VaMadzivanyika vanoti vana vanorarama nehurema vanofanira kupihwa mikana yekutaridza matarenda avo mune zvemitambo.

“Tinoda kuti makwikwi aya adzidzise pamwe nekuumba vana vakaremara zvizere nekuti ikodzero yavo. Tinoshuvira kuvasimbisa kuti vazogona kuzviriritira mune remangwana kuburikidza nemitambo.

“Pane shuviro yedu huru kukwezva vanhu vakawanda kuti vauye vazoona makwikwi aya vatsigire vana vedu kusvika paari kupera.

“Nyika zhinji, kusanganisira Zimbabwe, dzinodada nehunyanzvi hunoratidzirwa nevanhu vakaremara,” vakadaro VaMadzivanyika.

Vakatenda vose vakazvipira kusimudzira hupenyu hwevanhu vakaremara.

VaMadzivanyika vanoti gore rino vachaedza kushanda nevakotsveri vakawanda kuti makwikwi aya arambe achisimukira.

“Tiri kuedza kutsvaga vakotsveri vakati wandei kuti vatsigirewo vanhu vakaremara nekuti ndipo pachabva shasha dzichanomirira nyika ino kumakwikwi anoitwa kune dzimwe nyika zvakare muzviitiko zvakakura zvinoitwa munyika ino vanofanira kuverengerwawo,” vakadaro.

Vakatenda Hurumende nekusimudzira kwainoita mitambo yakadai semaNational Paralympic Games pamwe nevabereki nekutsigira zvipo zvevana vavo.

Makwikwi aya achaitwa muzvikoro zvakasiyana zvemuHarare apo vana vechikoro nevanhu vakuru vakaremara vachatatsurana mumitambo inosanganisira tsiva, nhabvu yevasikana neyevakomana, goal-ball pamwe nemijaho yekumhanya.

Gore rakapera, Masvingo ndiyo yakaita nhamba 1 uye makwishu aya akaitirwa kuMarondera.

Related Posts

Mahwekwe nebindu rembanje mapurisa achifeya nyaya yokuba

MAPURISA ekuChipinge akasunga mumwe murume svondo rapera mushure mekuona bindu raive rakadyarwa mbanje apo vaiferefeta nyaya yekubiwa kwepombi dzemadiridziro pane rimwe purazi reko, iyo yakanga isina chokuita nembanje dzakazowanikwa idzi.…

Motokari ine chitunha yabatira moto

Arron Nyamayaro VAMWE vanhu vaive parwendo rwekunoviga hama yavo kumusha vakamhanyidzana kubvisa bhokisi raive nechitunha mumotokari inotakura vafi zvichitevera kubatira kwayakaita moto kuArdbennie, muHarare nemusi weMuvhuro svondo rino. Vakaona izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×