Chabvondoka kuNash Stella Netball

ZVIKWATA 12 zvenetball zvemuzvikoro svondo rinotevera zvichatatsurana mumakwishu eNash Stella Netball 17 and Under Tournament ayo achaitirwa pachikoro chePamushana High School, kuMasvingo.Mutambo uyu uchatanga svondo rinotevera musi weChitatu uchizotarisirwa kuzopera neChishanu.

Mutungamiriri wesangano reNational Association of School Heads (NASH), Johnson Madhuku uyo anove zvakare mukuru wechikoro chePamushana anoti mutambo wegore rino uchanakidza kukunda ngoma kurira sezvo chikwata chavo chine huturu hwekukundwa kwachakaitwa gore radarika apo chakatorerwa mukombe uyo wachainge chine makore akawanda chichirambira nawo. “Gore rino Pamushana tine huturu hukuru nekutorerwa kwatakaitwa mukombe wedu gore radarika. Saka tiri kuvimbisa hondo yega-yega kune zvimwe zvikwata, zvichaonerera gore rino mirai muone.

“Tiri pamusha saka ticharwa semvumba kuti mukombe urambe unesu, usare mupurovhinzi yedu,” anodaro Madhuku.

Zvakadaro, NASH ichashandisa mutambo uyu kusarudza vatambi vachazonomirira nyika kumitambo yeConfederation of School Sports Association of Southern Africa (COSSASA).  “Semakore ese, mutambo uyu ndiwo watinoshandisa kusarudza chikwata chedu chatichazotumira kunokwikwidza kuCOSSASA.

|Saka zvikwata zvese ngazviuye zvitambe netball “Kana uchida kuzotambira nyika mumutambo wenetball unototangira mumitambo iyi ndiko kwatinosarudza vatambi votanga kubikwa kusvika vapinda muchikwata chevakuru. Vamwe vacho vakatotanga kutambira zvikwata zvevakuru vachiri vadiki saka ngavashandise mukana uyu,” anodaro Madhuku.

Farayi Garayi wekambani yeTanganda Tea — iyo iri kukotsvera makwikwi aya — anoti vakazvipira kusimudzira vanasikana vane zvipo mumutambo wenetball.

“Isu neNASH tiri bhande nebhurugwa uye ticharamba tichishanda nesimba tichisimudzira mutambo uyu,” anodaro Garayi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *