‘Chambers ane tarenda’

PER Mertesacker anofunga kuti mutambi weArsenal, Calum Chambers, ane tarenda rinonwisa mvura iro richamuona achinetsa zvikuru muPremier League uye anomuona achive mutambi wepamusoro.

Chambers akatengwa nemari inosvika 16 miriyoni paunzi kubva kuSouthampton gore radarika, asi mushure mekutamba mitambo 23 mwaka wadarika, gore rino ari kutatarika zvikuru kupinda muchikwata cheArsenal.

Asi Mertesacker anoti maGunners ari kubika mutambi uyu zvakasimba kuLondon Colney kuti agove wepamusoro mune ramangwana, uyo achazotambira nyika yake nechikwata chake kwemakore akawanda.

“Mutambi akanaka manje, tinotamba tose mazuva ose tichiita gadziriro dzedu,” Mertesacker akaudza Arsenal Player.

“Ndizvo zvose zvaungade kuziva nezvake. Akazvipira chaizvo kudzidza zvakawanda zvemutambo uyu uye anoterera zvakanyanya.

“Kana wasimukira semutambi wechidiki unoda chaizvo kunge uchitamba nevatambi vakuru kwauri. Zvakanaka chaizvo kuti tinaye muchikwata chedu nekuti zvinotibatsira kuti tisimuke sechikwata. Haufanirwe kumbomira nekuti ukamira kushanda nesimba pane mumwe mutambi kumashure kwako ari kuda kupinda pachinzvimbo chako uyo anenge achishanda nesimba mazuva ose.”

Chambers kupinda kwake muchikwata chaArsene Wenger kuri kuti netsei sezvo paina Gabriel uyo anomboshevedzwa kuti atambe, hunge Mertesacker chizvarwa chekuGermany kana Laurent Koscienly vakakuvara.

Asi Mertesacker ane chivimbo chikuru chekuti mutambi uyu, uyo ane makore 20 okuberekwa, achakohwa pakuru kana akaramba achishanda nesimba mazuva ose nevatambi vakuru vekuArsenal. Anoti zvakare Arsenal ichabatsirika zvikuru nekuda kwevatambi vakawanda vainayo.

“Zvakakosha chaizvo kwatiri nekuti mutambi wose ane zvaanobatsira nazvo chikwata chedu,” Mertesacker akawedzera. “Hazvisi kungotora chinhu bedzi, kwatiri zvinoreva zvakawanda kutambira Arsenal pane kungonzi uri muchikwata ichi.

“Zvakatinakirawo tose nekuti pamberi apo tinoziva kuti vamwe vachazombokuvara, vamwe vanoda kuzorodzwa uye vamwe vanorwara saka tinofanirwa kutamba tose tijairirane.” — Daily MailOnline

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *