Nust yoitisa zvidzidzo zveMaths neScience

NATIONAL University of Science and Technology (NUST) yakatanga chirongwa chekufundisa vana vekusekondari zvidzidzo zveMathematics neScience nechinangwa chekusimudzira zvidzidzo izvi.

Vachitaura pamusangano wavakaita nevemabhizimisi makuru nemadiki nguva pfupi yadarika kuBulawayo, NUST schools enrichment programme coordinator Professor Senelani Hove-Musekiwa vakati zvakakosha kuti zvidzidzo izvi zvikosheswe nekuti zvine chekuita nebudiriro yeupfumi hwenyika kuburikidza nemabasa emawoko.

“Iye zvino tine zvidzidzo zvatiri kuita muzvikoro zvesekondari kuMatabeleland North, Matabeleland South neBulawayo donzvo riri rekusimudzira kupasiwa kwezvidzidzo zveScience neMaths. Izvi zvichabatsirawo NUST kuti izove nevadzidzi vachaita zvidzidzo zveScience neMathematics. Zvirongwa zvekusimudzira dzidzo zvakakosha nekuda kwekuti zvichasimudzirawo mabhizimisi madiki,” vakadaro.

Prof Hove-Musekiwa vanoti NUST yakatanga chirongwa ichi mushure mekuona kudzikira kwevadzidzi vanobudirira muzvidzidzo zveMathematics neScience pabvunzo dzeO- neA-Level.

“Basa iri harizi revadzidzisi chete asi nderedu tose nevabereki. Zvidzidzo zveScience neMathematics kukohwa upfumi.

“Donzvo redu ndere kusimudzira nekubatsira vadzidzi avo vanoshaya mari dzechikoro uyewo vadzidzi vakaita mabhindauko anovapa chouviri vanokwanisa kuzvibhadharira mari dzechikoro,” vakadaro Prof Hove-Musekiwa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *