Chapeyama ozadzisa mashoko ake

Ray Bande —
MUTARE Polytechnic Vice Principal, VaHarris Chapeyama, avo vakagadzwa pachigaro ichi munaNyamavhuvhu gore rapera, vari kuzadzikisa mashoko avo ekuti vachashandisa hunyanzvi neruzivo rwavakawana mumakore adarika mukusimudzira dzidzo pakoreji iyi.

Vasati vave pachigaro ichi, VaChapeyama vaive murairidzi wezvidzidzo zvehorticulture uye vakazove chief warder anoona nezvevadzidzi paMutare Polytechnic.

VaChapeyama vane Masters in MED.Educational Management, Bachelor of Education in Agriculture, Diploma in Agriculture, Certificate in Education nezvimwe zvitupa zvedzidzo.

Vachitaura nezvekugadzwa kwavo, VaChapeyama vanoti vachashandisa hunyanzvi hwavo mukusimudzira dzidzo pakoreji iyi.

“Ruremekedzo rwukuru kugadzwa kuve Vice Principal wekoreji ino. Ndichashandisa ruzivo nehunyanzvi hwangu mukusimudzira dzidzo pakoreji ino. Ndinoda zvakare kubatsira Mutare Polytechnic kuti ifambirane nenguva munyaya dzekurairidza,” vanodaro VaChapeyama apo vakagadzwa pachigaro ichi gore rapera.

Kubvira apa, VaChapeyama vari kubatsira mukusimukira kweMutare Polytechnic.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *