Chibage choparadzwa nerukonye

Kingstone Mapupu —
VAMWE varimi vechibage chemuchando vekunharaunda yaMambo Goronga kuMudzi, kuMashonaland East, vochema-chema nekuda kwerukonye urwo ruri kuparadza zvirimwa zvavo.

Mumwe wevakarima chibage ichi ndiMbuya Ndaatoya Mafunga (82) vemumusha waSabhuku Tangi avo vanoti gore roga-roga vanorima chibage chemuchirimo icho chinovapa mari yakawanda zvikuru mushure mekuchitengesa. Chibage chavo chave kutosvika padanho rekutumbuka asi chakatarisana nedambudziko rekuparadzwa nerukonye.

“Chibage chemuchando ichi ndicho chinondipa mari yakawanda sezvo vashoma vanochirima. Zvino chirimo chino ndakavhiringwa nerukonye rwakapedza kudya chibage ichi. Chibage ichi chinotengwa zvikuru sezvo ndichitengesera vadzidzisi vemuno nevamwe vanodarika nemotokari,” vanodaro.

Mbuya Mafunga vanoti havana ruzivo pamusoro pemhando yerukonye ruri kuparadza chibage chavo.

“Hatina mishonga yekuisa muchibage umu kuti tiuraye makonye aya nekudaro tinoguma taruza ndisu,” vanodaro.

Vanoti vakamboshanyira hama yavo iri kuMozambique muzhizha radarika uko vakasvikowanawo vaine dambudziko rimwe chete rekudyirwa zvirimwa nemakonye.

“Sekuru vangu vanogara pamhiri apo Kuchamano, kuMozambique havana chavakakohwa nekuda kwemakonye akadai aya, vari kutosunza izvozvi,” vanodaro Mbuya Mafunga.

Mbuya Mafunga vanoti vakashaikirwa nemurume wavo kare uye vanobatsirana kurima nehanzvadzi yavo yavanogara nayo, VaJumbo Smoke (75). Kwayedza haina kukwanisa kutaura nevarimisi veArex kudunhu iri kuti inzwewo rutivi rwavo panyaya yerukonye ruri kuparadza chibage urwu.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *