Chembere (63) yaponda murume nekumutema nedemo

Sukulwenkosi Dube

CHEMBERE ine makore 63 ekuberekwa yekuGwanda yasungwa nemhosva yekuponda murume wayo ane makore 70 nekumutema mumusoro nedemo.

Miriam Ndlovu, wemumusha weMatshetsheni, akatema Harold Ngwenya kaviri nemusoro nedemo apo aiedza kumudzivisa kuti asarove mwanasikana wake — Happiness Ndlovu — uyo anova mubvandiripo.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMatabeleland South, Assistant Inspector Stanford Mguni, vanotsinhira nyaya iyi yakaitika musi wa11 Nyamavhuvhu nenguva dza5 manheru.

“Musi wa11 Nyamavhuvhu, nenguva dza5 manheru, mushakabvu Harold Ngwenya aiva pamba nemudzimai wake (uyo ari kupomerwa mhosva) pamwe chete naMuzvare Happiness Ndlovu, mwanasikana wavo. Mushakabvu akaita gakava nemwanasikana uyu anove mwana wemudzimai wake, uyo akazomupomera mhosva yekuti muroyi.

“Ngwenya akarova mwanasikana uyu nenzonzoda yedemo pamusoro peziso rekuruboshwe, uye mudzimai wake akaedza kumumisa kuti asaramba achirova mwanasikana uyu. Panguva iyi, mudzimai wacho akakunda Ngwenya simba, akatora demo racho ndokumutema kaviri nemusoro. Ngwenya akawira pasi ndokubva afira ipapo,” vanodaro.

Asst Insp Mguni vanoti nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa izvo zvakazoita kuti Ndlovu asungwe.

Vanoti mutumbi waNgwenya wakaendeswa kumochari yechipatara cheGwanda Provincial Hospital uchimirira kuzovhenekwa nanachiremba.

Asst Insp Mguni vanokurudzira veruzhinji kuti varege kushandisa mhirizhonga pavanenge vaine makakatanwa.

“Munhu ari kupomerwa mhosva akasungwa uye kuferefeta kuri kuenderera mberi. Tinokurudzira veruzhinji kuti varege kuita mhirizhonga pavanenge vaine makakatanwa. Panyaya iyi, vaviri ava vaigona kunge vakatsvaga rubatsiro kubva kuvakuru vemunharaunda kana hama kuti vagadzirise gakava ravo. Tinorambidzawo kutakura zvombo zvinogona kukuvadza sezvo zvichizopedzisira zvashandiswa kupara mhosva dzakadai,” vanodaro.

Related Posts

Ndinobva kuGokwe uye ndinodada nazvo: Rev Chivaviro

Mathew Masinge MUIMBI wenziyo dzechitendero ane mikurumbira uyo ahwina mibayiro yakawanda, Reverend Togarepi Chivaviro, anotenda kuti aita zvakakwana mukurwisa maonero asina kunaka anoitwa neveruzhinji pamusoro pevagari vekuGokwe, kudunhu reMidlands. Rev…

Mambo vorambidza kunwiwa kwedoro parufu

Ray Bande MAMBO Chamutsa, vekuBuhera kudunhu reManicaland, vorambidza kunwiwa kwedoro parufu vachiti danho iri inzira yekudzoreredza ruremekedzo kuvafi pamwe nekuunza chiremerera pakati pevanhu vanenge varasikirwa nehama yavo. Mambo Tinotenda Garepi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×