Chembere (97) yotanda botso iri mubhara

Kingstone Mapupu
CHEMBERE yekwaSeke yekunzi yakananga amai vayo huroyi, avo vakafa kare, inonzi iri kutanda botso zvichitevera kupfuka kwakaita mweya wemushakabvu ukakonzera matambudziko makukutu. Mbuya Hamunyari Masango (97) vemubhuku raKondo vanonzi vakananga amai vavo huroyi vachivati ndivo vairoya mukuwasha wavo, murume wemwanasikana wavo.

Pakutanda botso, munhu anofamba akapfeka masaga kana kuti marengenya achipemha zvinhu zvakaita zvakasiyana sezviyo nechibage izvo zvinozobikiswa doro pamutambo unoitwa pajekerere.

Mbuya Masango vanonzi vakananga huroyi amai vavo vainzi Mbuya Marufudza Kondo avo vakashaika mugore ra2003.

Dambudziko mumhuri iyi rinonzi rakatanga apo munin’ina waMbuya Masango anogara kwaMurehwa akatanga kurwara zvikaita kuti vemhuri vafambe kun’anga nemaporofita ndokuzviwana.

Kwayedza yakashanyira pamusha waMbuya Masango ndokuwana pakaungana vanhu vachiita mabiko ekutanda botso pachitobikwa mabhodho esadza nenyama.

Mbuya Masango vakawanikwa vasipo sezvo vainge vatakurwa nebhara nevazukuru vavo, vana vehanzvadzi dzavo, kunopemha mumisha yeko. Vanaamai vaambuya ava pamwe chete nanasekuru vacho, vakamboramba kutaura nyaya yekutanda botso iyi kuKwayedza vachiti havadi kuti ibude munhau.

Mumwe mudzimai aitungamirira vanaamai vakabereka Mbuya Masango, Mai Pauline Machingura, vakaramba zvachose kuti nyaya iyi iburitswe.

“Ichokwadi pano tine mwana akananga tete vedu huroyi. Akavati vaiva muroyi, ndiyo nyaya yatakaunganira pano. Zivai izvozvo chete, zvakawanda bodo nekuti tikadaro kana nevhu chairo rinotimukira tikaguma tave kunzi tiripe zvakare nekuti iye mufi ndiye akarwisa nyaya iyi oga,” vakadaro.

Mai Machingura vakati izvi hazvishamise kuti zviitwe nekuti mucherechedzo chete wekurangwa kunoitwa munhu kana arova amai kana kuti baba kana kuvapumha huroyi sezvakaitwa nechembere iyi. “Isu ndisu vanaamai vemunhu ari kutanda botso uyu taramba kuti nyaya iyi muiburitse

munhau. Mukangozviita chete tinopedzerana!” vakadaro.
Vakabva vatsigirwa nehanzvadzi yavo, VaMatiya Machingura, vachiti Mbuya Masango vaitanda botso mushure mekunge vananga amai vavo huroyi.

“Ini ndini sekuru wepano, vari kutandirwa botso ava nditete vangu hanzvadzi yababa saka tiri kuchema izvozvi. Tabva kwaChihota nehanzvadzi dzangu nhanhatu kuzogashira muzukuru wedu achitanda botso rekunanga amai vake huroyi, kucharipwa. Iye zvino mwana wedu (Mbuya Masango) aenda musango nemumisha yevanhu achipemha.

“Kutaura kuno akapfega masaga, achadzoka asi isu hatidi kuti mumuone kana kutaura naye,” vakadaro. Varidzi vemusha wekwaKondo vakarambidzwa kutaura nevatori venhau pamusoro penyaya iyi vachinzi vaitozowedzera mhosva yavo. Mbuya Masango vanonzi vakananga amai vavo huroyi vachiti vakaroya mukuwasha wavo ainzi Simboti aibva kwaMurehwa, uyo aiva murume waFelistaus Kondo, avo vose vakashaika.

Muzukuru wepamusha uyu, Lloyd Masango (26), akatsinhira nyaya yekutanda botso kwaambuya vake achiti kwakatenge kwabikwa doro rebasa iri. “Kwakabikwa doro rakatonwiwa nezuro (musi weSvondo wadarika) kukavakwa musososo pamba unenge uchigara ambuya kudzimara basa iri rapera. Zvekuripwa mhuri yekwaMachingura hatisati taziva kuti vanodei asi kucharipwa, hamheno kuti imombe here kana kuti chii. Asi mombe ichauraiwa,” akadaro.

“Ambuya havachagona kufamba nekuda kwemakumbo saka vatakurwa mubhara nevana vehanzvadzi dzavo nevaroora vavo vachipemha uko varoora vari kutakura zvinhu zvavanenge vapihwa ivo vazukuru vavo vachisunda bhara,” akadaro.

Zvinhu zvaipemhwa naMbuya Masango zvinosanganisira chibage, zviyo, nzungu, mapfunde nemaringazuva izvo zvinonzi zvinozosanganiswa zvogaiwa kobikwa doro rekuchenura mufi kuti shungu dzake dzipere. VaJonathan Shonhiwa Mupamombe (50) vekuChiredzi vanoti munhu akarova kana kunanga amai kana baba huroyi, hakuna chimwe chinogona kuitwa kunze kwekutanda botso.

“Vanhu vanganyare zvavo kutanda botso asi hazvipere, unoramba uchiteverwa nemweya wemufi kana kuita munyama kusvikira waritamba chete,” vanodaro VaMupamombe.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *