Tandayi Motsi
HURUMENDE iri kutora matanho akakodzera kuti inge ichibhadhara chikwereti chemari yechikoro yevadzidzi vanoshaya avo vanobatsirwa pasi pechirongwa cheBasic Education Assistance Module (BEAM) icho chave kusvika $64 miriyoni.
Mashoko aya akataurwa svondo rapera negurukota redzidzo yepuraimairi nesekondari, Dr Lazarus Dokora, mudare reSenate apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weHarare Metropolitan, Senator James Makore.
Sen Makore vaida kuziva zviri kuitwa neHurumende mukubhadharira vana ava mari dzechikoro zvichitevera mashoko ekuti kune vamwe vari kunyimwa zvakabuda pabvunzo dzavakanyora dzeO- neA-Level gore rapera nekuda kwezvikwereti zvemari dzechikoro dzisati dzabviswa.
“Tine vana vane fizi inobhadharwa pasi pechirongwa cheBEAM.
“Tiri kuona kuti vana ava vari kunyimwa zvakabuda mubvunzo kunyangwe zvazvo tichiziva kuti vanobva kumhuri dzinoshaya kana kuti inherera. Mutemo weHurumende wakamira sei pakadai apa?” vakadaro Sen Makore.
Dr Dokora vanoti bazi ravo rinozviziva kuti pane chikwereti chemari yeBEAM chinofanirwa kubhadharwa nebazi rinoona nezvevashandi nekubatsirwa kwevanoshaya.
“Chikwereti ichi chave kusvika $64 miriyoni chemari yefizi yevana vanobhadharirwa pasi pechirongwa cheBEAM. Zvisinei nedambudziko iri, tinoziva senyika kuti kune vanoshaya vanobatsirwa neBEAM uye havakwanise kunge vachiita chibvumirano nezvikoro nekudaro vanofanirwa kupihwa zvinenge zvabuda mubvunzo dzavanenge vakanyora.
Idambudziko riri kuzivikanwa nebazi rinofanira kunge richibhadhara mafizi aya,” vanodaro Dr Dokora.
Vachipindura mumwe mubvunzo wemumiriri wevakaremara mitezo, Disabled Representative, Sen Annah Shiri, Dr Dokora vanoti kunyangwe vadzidzi vasingabhadharirwe mari yefizi neBEAM asi vaine zvikwereti havafanire kunyimwa zvinenge zvabuda mubvunzo.
Sen Shiri vaida kuziva mutemo weHurumende zvichitevera katsika kari kuitwa nezvimwe zvikoro kekunyima vadzidzi vakanyora O- neA-Level zvakabuda mubvunzo idzi vachinzi vane zvikwereti.
Dr Dokora vanoti pakadai apa nyaya yechikwereti chefizi inenge iri pakati pemubereki nechikoro nekudaro vadzidzi havafanire kunyimwa zvinenge zvakabuda pabvunzo.
“Tikatarisa vana vari kupuraimari nesekondari vanenge vari vadiki vasingakwanise kumiswa mumatare edzimhosva kana kuita chibvumirano nekuti havasati vabva zera. Vakuru vezvikoro izvi vanozviziva.
“Vakuru vezvikoro, ndapota siyai vana vakadaro, vapei zvakabuda mubvunzo moona zvekuita nevabereki vanofanira kunge vachibvisa mari yefizi,” vanodaro.
Dr Dokora vanoti kune vamwe vabereki vari kupedza makore maviri vasati vabhadharira vana vavo mari dzechikoro izvo zviri kudzosera budiriro yedzidzo kumashure.
Vanoti zvakakosha kuti vamiriri vedare reParamende vakurudzire vagari vekumatunhu avo kuti vabhadhare mari dzechikoro nenguva kuitira kuti basa rezvikoro rifambe zvakanaka.




