Elita Chikwati
HURUMENDE yapa kurudziro yekuitwa kwemapurojekiti emvura nezvimwe zvivakwa zvinosimudzira kurima, kugadzirwa kwemabasa, kuvepo kwemaindasitiri nekusimukira kweupfumi.
Izvi zvakabuda pamusangano uri kuenderea mberi weNational Training on Developing a Climate-Resilient Water Investment Programme for Zimbabwe, uri kuitiswa neAfrican Union Commission (AUC).
Chirongwa chekudzidzisa ichi chakatanga nezuro uye chinopera neChishanu.
Musangano uyu unounza pamwe chete nhengo dzemapazi eHurumende, masangano emvura nevanobatsira mukuunza budiriro kuti vasimbise kugona kuona kwakakosha kudyara mari, poitwa zvirongwa zvemapurojekiti emvura anokwanisa kumira panguva ino yekushanduka kwemamiriro okunze.
Vachivhura musangano uyu zviri pamutemo neMuvhuro, mukuru wezviwanikwa zvemvura, kurima kwemadiridziro uye WASH (Water, sanitation and hygiene, Injiniya Tinayeshe Mutazu, vakati mvura chinhu chakakosha zvikuru mukuunza budiriro yezveupfumi, kuvepo kwakakwana kwezvekudya nesimba, uye kuunza maindasitiri nebudiriro yenyika.
Vakati zvirongwa zvekudyara mari mune zvemvura zvinofanira kuitwa paine kurangarira nhau yekushanduka kwemamiriro okunze.
“Zimbabwe yakaisa mari yakawanda kwazvo mumadziva, zvivakwa zvemadiridziro, zvibhorani pamwe nehurongwa hwekugovera mvura. Asi tinofanira kuzvibvunza mibvunzo yakaoma,” vakadaro Injiniya Mutazu.
“Tiri kuwana kukosha kwakakwana here kubva mukudyara mari uku? Madhamu edu ari kushandurwa kuita madiridziro anobudirira here? Zvirongwa zvedu zvekupa mvura zvakasimba zvakakwana here kuti zvikwanise kutsungirira pakusanaya kwemvura? Tiri kudyara mari muzvivakwa zvinogona kuchengetedzwa uye kuramba zvichishanda kwenguva refu here?”
Vakati mari inoiswa mune zvekuchera madhamu makuru inofanira kuva yakasimba, isingaparari nyore, ichiita mabhizimusi anobereka zvibereko, uye ichivandudza mararamiro emunharaunda, zvichienderana nechirongwa cheVision 2030, chirongwa cheNational Development Strategy 2 (NDS2), pamwe nehurongwa hwenyika hwekushandura mabasa ekurima, izvo zvinoda kuchengeteka kwemvura kwakanyanya, kukudzurudzwa kwezvemadiridziro uye mabasa anovimbwa navo ezvehutsanana (WASH).
“Tinofanira kudarika kuyera budiriro nekupedzwa kwezvivakwa . . . Tinofanira kuyera budiriro nemabasa eupfumi nemararamiro anotsigirwa nezvivakwa izvozvo,” vakadaro.
“Hurukuro yeNational Water Road Map Dialogue yakaitwa svondo rapera yakawedzera kusimbisa kukosha kwekuronga nekuita mabasa. Zvatinoda iko zvino ndezvekushandura zvinonyanya kukosha izvi, zvichiva mapurojekiti anokwezva mari yekudyara uye kubereka zvibereko,” vakadaro.
Vakakurudzira kuti pave nekudyidzana kwakasimba nemasangano anopa mari dzebudiriro, makambani akazvimirira pamwe nevatsigiri vanoshanda kuti pave nemabasa ekudyara mari anogara kwenguva refu uye anobudirira.
Mukuru wezvemitemo maringe neshanduko yemamiriro okunze uye zvekudzidza nezvemamiriro okunze kusangano reAUC, Muzvare Pamela Levira, vakati musangano uyu wakatevera mvumo yeAfrica Water Vision 2063 nemutemo wacho kubva kuvatungamiri venyika muna Kukadzi.
Vakataura kuti dingindira regore ra2026 resangano reAfrican Union (AU) pamusoro pemvura neutsanana rinoda kuti vakuru vashandure zvisungo zveAfrica zvichiva mabasa anooneka.
“Mvura yakakosha zvikuru mukusimudzirwa kweZimbabwe. Inotsigira zvekurima, kudya kwakakwana, kukwenyiwa kwemagetsi, utano hwevoruzhinji, mabasa emumigodhi, maindasitiri uye mararamiro evanhu. Kushanduka kwemamiriro okunze, mafashamo uye kusanaya kwemvura zvinowedzera kumanikidzika kwezviwanikwa zvemvura nezvivakwa, izvo zvinosimbisa kukosha kwekudyara mari kunosimbisa kugona kutsungirira mumatambudziko uye kunounza pundutso dzinogara kwenguva refu.
“Kuzadzisa zvinodiwa izvi kunoda zvinopfuura kungodoma zvirongwa zvekuita. Kunoda hurongwa hwekudyara mari hwakasimba, zvinhu zvinokosheswa zvakajeka, kubatana kukuru kwemasangano nehurongwa hwakanaka hwezvinoda kuitwa zvinokwanisa kukwezva mari yevoruzhinji, yemakambani akazvimirira, yebudiriro uye yemamiriro okunze,” vakadaro.
Muzvare Levira vakati komisheni yeAU ichashanda pamwe chete neHurumende, sangano reGlobal Water Partnership nevamwe vatsigiri mukutevera hurongwa hwacho, kusarudza zvirongwa zvinokosha zvekudyara mari uye kugadzirira zvirongwa pashoma nepashoma kuti zviwane mari.