‘Chengeta vana vako, kwete mubvandiripo’

Nyasha Chabvonga
MUMWE mupurisa akashamisa vanhu vaive mudare apo akati anoda kuti mari yaari kubvisa yemendenenzi idzikiswe sezvo ave kugara kunzvimbo inodhura yeAvenues, muguta reHarare, uye ari kuchengeta mwana nemukadzi mutsva waave naye.

Tapiwa Mahara akaendesa Hazvinei Mahara kuHarare Civil Court achida kuti mari yemendenenzi idzikiswe.

“Dai dare randibatsirawo nekudzikisa mari kubva pa$240 kusvika pa$210. Pandaibhadhara mari iyi ndakanga ndisati ndava nemumwe mukadzi kubva zvatakasiyana nemudzimai uyu asi pari zvino ndava nemhuri yekuriritira,” akadaro Tapiwa.

Akati mukadzi waakawana ane mumwe mwana wake waari kuriritirawo zvakare.

Mutongi Audrey Tarugarira akati vaviri ava vadzoke zvakare kudare apo kutongwa kwenyaya yavo kunenge kuchienderera mberi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *