HURUMENDE inoda mari inosvika US$3,7 miriyoni kubva kuvatsigiri vakasiyana kuti inge ichikwanisa kuita musangano mukuru we18th International Conference on AIDS and Sexually Transmitted Infections in Africa (ICASA).
Mashoko aya akataurwa negurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyatwa, svondo rino muHarare pachirongwa chekuunganidza mari yekufambisa musangano uyu.
Vanhu vari pakati pe5 000 kusvika 10 000 vane chero chekuita nedenda reAIDS pasi rose vachaungana muZimbabwe kumusangano weICASA uyo uchaitirwa muHarare kubva musi wa29 Mbudzi kusvika 4 Zvita.
“Tiri kutsvaga mari inoita US$3,7 miriyoni kuvatsigiri vedu segadziriro yemusangano uyu kuti unge uchifamba zvakanaka,” vanodaro Dr Parirenyatwa.
Vanoti mari iyi ichashandiswa mukudzidzisa nhengo dzemapoka akasiyana segadziriro pamwe nekugadzira nzvimbo ichaitirwa musangano uyu kuti inge ichifambirana nechikero chedzimwe nyika dziri pasi rose, zvifambiso zvevakokwa vanoremekedzwa pamwe nezvimwe zvinhu zvichadiwa mukufambisa zvirongwa zvemusangano.
Zimbabwe ndiyo yakahwinha mukana wekuita musangano wegore rino pakati pedzimwe nyika dziri muAfrica. Pakutanga musangano uyu waifanirwa kuitirwa kunyika yeTunisia.
Varongi veICASA vakazobvisa musangano uyu kuTunisia nekuda kwekusadzikama kwezvinhu kunyika iyi. Pasarudzo yakazoitwa, Zimbabwe ndiyo yakasarudzwa pamberi peRwanda neCote d’Ivoire nekuda kwezvikonzero zvakawanda. Zvimwe zvacho zvinosanganisira kuti ndiyo bedzi muAfrica ine chirongwa chakananga kurwisa AIDS, ndiyozve inoratidza kuderera kwevanhu vari kubatwa nedenda iri apo dzimwe nyika dziri kuratidza kukwira kwevarwere.
“Ndinoda kutenda vatsigiri vose avo vakatopa rubatsiro rwavo kuitira kuti musangano uyu ubudirire. Ndinovimba kuti ticharamba tichiunganidza imwe mari yakawanda kuti musangano uyu ubudirire,” vanodaro.
Musangano uyu uri kutarisirwa kupindwa nevaenzi vanosvika 10 000.
Zvakadai, chamangwiza wesangano reUNAIDS, VaLuiz Loures, vanotiwo musangano uyu wakakosha zvikuru.
“Musangano uyu wakakosha zvikuru mukusimudzira nyaya dzeutano kwete muAfrica chete asi pasi rose,” vanodaro.
VaLoures vanoti vakauya kuzopa Zimbabwe rutsigiro rwuzere mukugadzirira musangano mukuru uyu.
Vakayemura Zimbabwe nekutevedzera chirongwa chitsva chekurwisa kupararira kweutachiona hweHIV (New HIV Guidelines) chekupa mishonga kuvanhu pakarepo apo vanenge vavhenekwa vakaonekwa kuti vane utachiona hweHIV zvisinei nekuti CD4 count yavo inenge yakakwira kana kuderera.




