Monalisa okunga tsiva

Abel Ndooka

SHASHA yetsiva yechidzimai — Monalisa “Queen Monalisa” Sibanda — inoti yadzoka mugym umo iri kuita gadziriro dzekurwira kuchengetedza bhande rayo reWomen International Boxing Association (WIBA) World Inter-continental light-weight iro yakahwina mugore ra2019.

Monalisa akahwapura bhande iri mushure mekukunda Joice Awino wekuKenya uye aifanirwa kunge akarwira kurichengetedza kare asi izvi hazvina kukwanisika zvichitevera kumiswa kwakamboitwa mitambo pasi rose senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Muhurukuro svondo rino, Monalisa anoti Covid-19 yakakanganisa hurongwa hwake hwa2020 hwekurwira kuchengetedza bhande rake.

“Ndadzoka manje, ndiri mushishi kugadzirira kuti ndigorwira bhande rangu, zvange zvakaoma kungogara mutambo wandinodisisa tisiri kuwana mukana wekuutamba.

“Asi kudzoka kwemitambo nekupihwa kwatakaita mikana yekuti tigokwikwidza zvave nechiedza kwatiri isu vari mune zvemitambo. Dai pasina iyo Covid-19 ndakatorwa kare asi zvose zvange zvakangomiswa nekuda kwedenda iri,” anodaro.

Shasha iyi iye zvino yave kufanirwa kuzorwira kuchengetedza bhande rake musi wa10 Chikunguru asi pari zvino hapasati pazivikanwa kuti achatatsurana nemutambi upi.

Anoti hutungamiriri hwetsiva huri mushishi kumutsvagira mutambi wekuzosangana naye saka ari kugara akagadzirira kuzorwira kuchengetedza bhande rake.

“Iye zvino pachiri kutsvagwa mutambi wandichazosangana naye, hapasati pazivikanwa kuti ndicharwa nani nekuti mazuvaano nekuda kweCovid-19 panotombotanga paongororwa kuti mutambi ari kubva kunyika ipi sezvo dzimwe nyika dziri muboka redzinoonekwa sedzinopisa nekuda kweCovid-19.

“Zvakafanana nekuti ini chaiye mutambo uyu ndinoda kuutambira muno asi zvikakona ndinenge ndakutonzi ndiende kunorwira kuTanzania uko kwange kusina lockdown kana kumiswa mitambo nekuda kweCovid-19,” anodaro Monalisa.

Anoti anotenda zvikuru vakotsveri vake nevamwe vatsigiri vakamira naye panguva iyo mitambo yakange isiri kutambwa nekuda kwechirwere cheCovid-19.

“Ndine hama dzakawanda dzakanditsigira zvinhu zvakaoma, vashoma vanonzwisisa isu vatambi vetsiva vechidzimai. Saka ndinopa kutenda kune avo vange vachimira neni,” anodaro Monalisa.

Related Posts

Hadebe ovimbisa kuita zvinorova mumwaka mutsva weMLS

Blessing Malinganiza MUTAMBI wekumashure wechikwata chenyika chemaWarriors, Teenage Hadebe, anoti ari kutarisira kuratidza unyanzvi hunoendeka mumwaka mutsva weMajor League Soccer (MLS), uwo wakatanga pakupera kwesvondo radarika. Mutambi uyu, uyo ane…

Chiragwi hapana kwaari kuenda: Jere

Tadious Manyepo MURAIRIDZI weCAPS United, Takesure Chiragwi, haasi kuzodzingwa basa kunyangwe akatadza kuhwinha mukombe weligi mwaka uno. Chibvumirano chekondirakiti yake chinoda kuti chikwata ichi chipedze chiri pakati pezvina zvinenge zviri…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×