Chenjedzo dzezveutano dzoparidzwa panhare

BAZI reutano nekurerwa zvakanaka kwevana, rakabatana nekambani yeEconet, rakaparura chirongwa cheEco Healthy icho chichapa veruzhinji yambiro pamusoro pekuchengetedza utano kuburikidza nemashoko anotumirwa panharembozha. Mutevedzeri wegurukota rebazi iri, Dr Paul Chimedza, vanoti Hurumende yakabatana nekambani iyi mukuita chirongwa ichi sezvo nyaya dzeutano dzakakosha kubudiriro yenyika.

“Takaona zvakakosha kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvive neruzivo maererano nekuchengetedza utano, kunyanya madzimai nevamwe vari kunzvimbo dziri kure nezvipatara nemakiriniki, vanowana ruzivo vari chero nzvimbo dzavari,” vakadaro Dr Chimedza. “Tinotarisa zvirwere zvakaita segomarara rechibereko muvanhukadzi neBP.

Tiripo pakubatana neavo vanoda kusimudzira utano hweruzhinji.”

Vanoti zvakare veruzhinji vave kukwanisa kutenga mishonga kuburikidza nechirongwa cheTELE MEDIC. “Vanhu vanotenga mishonga vari chero kunzvimbo dzavari kuburikidza nenharembozha iyo inozoendeswa kwavari. Tichiri kugadzirisa chirongwa ichi sezvo chichibatsira vanhu kuti vasafamba nzendo dzakareba kunotenga mishonga,” vakadaro.

Vakati utano hwevanhu hwakakosha munyaya dzekusimudzira upfumi hwenyika.

Chamangwiza weEconet, VaDouglas Mboweni, vakati kambani yavo yakazvipira kusimudzira chikamu cheutano munyika.

“Takaona zvakakosha kuti kambani yeEconet itumire vanhu tsambambozha pamusoro pekuchengetedza utano tichishandisa mitauro yeShona neNdebele,” vakadaro VaMboweni.

 

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×