Chess yotambwa padandemutande

Abel Ndooka
SANGANO reZimbabwe Chess Federation (ZCF) rinoti riri pakati pekuronga kuti mutambo uyu uitwe kuburikidza nedandemutande munyika muno zvichitevera kunyuka kepiri kwechirwere cheCovid-19.

Mutauriri weZCF, Thabo Elisha, anoti vane hurongwa hwekuti chess itambwe kuburikidza nedandemutande kumapurovhinzi akasiyana enyika sezvo pari zvino vanhu vasiri kutenderwa kuungana nechinangwa chekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19.

Elisha anoti vakadzidza kubva kumutambo weInternational Chess Federation Online Olympiad, uyo wakaitwa gore rapera, izvo zvakaona vatambi vemuno vachikwikwidza mumutambo uyu padandemutambe.

Anoti chess haina basa nekuti vanhu vaungane izvo zvagara zvisiri kutodiwa pasi pemitemo yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

“Chess mutambo wakasiyana nemimwe mitambo nekuti haina basa nekuti vanhu vaungana here kana kuti kwete uye vanhu havambofe vakagumhana, vanenge vachingokwikwidza pabhodhi remutambo uyu.
“Saka zvinogona kurongeka kuti mitambo yacho itambwe padandemutande vatambi vari kudzimba dzavo.

“Mwedzi yadarika, tine vatambi vedu vakakwikwidza mumutambo weInternational Chess Federation Online Olympiad saka isu ndiro gwara ratiri kuda kufamba narowo,” anodaro Elisha.

Apo vachiri kuronga kudzosa mutambo uyu, Elisha anoti mumasvondo maviri anotevera ndipo vachange vave negwara chairo ravachafamba naro.

“Iye zvino tiri pakati pekuronga kuti tozvifambisa sei sezvo izvi tiri kutotangawo kuzviunza muno,” anodaro Elisha.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×