Kingstone Mapupu
VAMWE vagari vekwaMambo Chitsungo, kuMbire, mudunhu reGuruve, vanoti vapererwa nekuda kwemashura ari kuitika pane chimwe chibhorani cheko icho chavanoti pane dzimwe nguva dzachinoburitsa mvura yakasangana nenyama, vhudzi nenyoka dzakafa. Chibhorani ichi, icho chakacherwa mugore ra1987 neveDistrict Development Fund (DDF), chiri pedyo nechikoro cheKarai Secondary School, kwaNyagwikwi.
Izvi zvisati zvatanga kuitika, nguva pfupi yadarika panzvimbo ine chibhorani ichi panonzi pakaitika mamwezve mashura, apo pakatsikwa bere rikafa nekombi masikati machena.
Hapana ati aziva kana zviitiko zviviri izvi zvichidyidzana.
Chibhorani chatenderedza vagari venzvimbo iyi misoro ichi chinonzi chakacherwa mushure mekunge masvikiro eko vatanga vabvumirana nazvo setsika dzedunhu iri.
Pakasvika Kwayedza uku nemusi weMuvhuro svondo rino, mashura aya ainzi ainge agumisira kuitika neSvondo yacho.
Chibhorani ichi chinonzi chakatanga kuburitsa nyama nyoro yakatsvukuruka, iyo isingazivikanwe kuti ndeyei, vhudzi nenyoka dzakafa pakutanga kwemwedzi waChikumi gore rino uye pane mashoko akasiyana ari kutaurwa pamusoro pezviri kuitika izvi.
Nyama, vhudzi nenyoka izvi zvinonzi zvinobuda apo vanhu vanenge vachichera, kuya kunonzi kudhaya, mvura. Zvinonzi mvura inotombotadza kubuda chibhorani “chokosora” apo chinenge chavharwa nezvinhu izvi.
Zvisinei, vatori venhau pavakasvika uku havana kuona mashura aya achiitika kana zvinhu zvinonzi zvinobuda vanhu pavanenge vachichera mvura izvi.
Asi Earnmore Ngorima (23) anoti nyama iyi yakagumisira kubuda masikati emusi weSvondo wakadarika (11 Gumiguru) apo aida mvura yekuti mombe dzake dzinwe.
“Nyaya iyi yatinetsa isu sevagari vemuno. Hatichaziva kuti chii chaicho, nezuro chaiye kwakabuda mazipisi mahombe enyama yaiva tsvuku. Ndakatozoenda kumatsime evamwe uko ndakanochera mvura yekupa zvipfuyo zvangu.
“Munobudawo nyoka nevhudzi nemabhonzo anoratidza kuti akabva nyama kare uye nevhudzi jena rakaita semvere dzetsuro. Inini mbune ndakazvionera kwete kuita zvekuudzwa,” Ngorima akaudza Kwayedza.
Vanhu vanochera mvura pachibhorani ichi vanodarika 1 500 vachibva mumabhuku anosanganisira Muvindi, Nhundu, Chakasiya, Ngorima, Teguru, Mavhayi, Mutema neDambakurimwa.
Kubvira pazvatanga, Ngorima anoti asangana nemanenji aya kanosvika kashanu apo dzimwe nguva aizotora nyama nenyoka dzakafa izvi achinozvifushira kuti pasarambe pachinhuwa.
Zvinonzi zvinhu izvi zvinoburitsa mweya unonhuwa zvakanyanya.
“Tashaya kuti zvino toshandisa mvura yekupi sezvo chibhorani ichi chichingova chimwe chete. Zvimwe zviri kure zvikuru kwakaita sekwaMutero, kwaChari,” anodaro.
VaTakunda Zhou (43) vanoti vane fungidziro huru yekuti kutsikwa kwakaitwa bere panzvimbo iyi kune chekuita nezviri kuonekwa pachibhorani ichi.
“Varoyi ava. Vari kuda kuratidza masimba avo nekuti bere rakatsikwa muna Chikumi akadarika uyu masikati machena tikashaya kuti rakabva kupi. Mangwana acho ndipo pakabva patanga kubuda nyama pamwe chete nemvura muchibhorani ichi,” vanodaro VaZhou.
Mashoko avo akatsinhirwa naVaNever Dambakurimwa (44) vachiti nyaya iyi ine chekuita nehuroyi.
“Chiri kunetsa ndechekuti hatizive kuti inyama rudzii iri kubuda mumvura iyi. Zvave kutoda nyanzvi dzezveutano kuti vauye kuzotora mvura iyi vonoongorora kuti chii chaicho chiri kuitika,” vanodaro VaDambakurimwa.
Sabhuku Muvindi, VaTsungisai Tafireyi (74), vanotiwo:
“Isu tinoti munhu akaita utsinye akashandisa masimba ake ehuroyi kupfidzisa vanhu nekuti pakanga pachangofa bere rakatsikwa risina kumboonekwa kwarakabva nako. Bere irori ndere muroyi bedzi.
“Vhudzi kana kuti makushe akaita seembeva anoonekwa mumvura yemuchibhorani ichi, nyoka nenyama zvinotishamisa kuti zviri kubvepi.”
VaJulius Jongoro (60) vanotiwo mapombi echibhorani ichi akasvitswa pasi chaipo pachinoperera nekudaro zvinoshamisa kuti zvinhu zviri kubuda izvi zviri kubva kupi.
“Chibhorani ichi chakareba mamita 54, chakaiswa zvose zvinodiwa uye chine ‘cylinder’ pasi ine sefa. Ichi chishamiso nekuti iri harisi tsime rakashama rekuti munganzi mungapinde tsvina,” vanodaro.
Vanotizve dambudziko iri rinogona kunge riine chekuita nemidzimu yemunzvimbo iyi iyo yakatsamwa nekuda kwekutyorwa kwemhiko dzakasiyana nevagari veko. “Chivanhu chiriko, dzimwe nguva pane zvakakanganiswa nesu veruzhinji. Zvava kuda vakuru kuti vazvigadzirise,” vanodaro VaJongoro.
Pane makakatanwa pakati pevagari vemunzvimbo iyi apo vamwe vari kuti masvikiro anofanirwa kusumwa, otora matanho, vamwewo vachiti mhondoro dzacho dzave dzechitsotsi nekudaro hapana zvadzinobatsira.
Sabhuku Pavari Nhundu (63) vanoti vane masvikiro avo matatu anoti Musumha, Kajowa naNyahuma uko vanhu vanoenda kunopangwa mazano kana pane zvanetsa. “Mhondoro idzi dzose vanhu havachavimba nadzo, vanoti ndedzekunyepa. Nyaya iripo tave kungodawo chimwe chibhorani uye takasvitsa chichemo chedu kuna kanzura wedu weWadhi 8, VaErnest Mambo, nekwamambo,” vanodaro.
Vanoti mvura yemuchibhorani chiri “kurutsa” nyama nenyoka inofanirwa kukupwa kana kuti yoongororwa nenyanzvi dzezveutano kuti ionekwe kuti haina njodzi kuutano hweveruzhinji nezvipfuwo here.
“Vanhu vari kurwara nemanyoka nemvura iyi. Inini akandibata ndikapotsa ndafa ndichiita tsvina tsvuku,” vanodaro Sabhuku Nhundu.
Munzvimbo iyi munonzi makambobvongodzwa natsikamutanda achichenura uyo anonzi akaenda pachibhorani ichi akati pakashereketerwa uye panoda kubviswa mhiko dziripo.
Vamwe vagari vemunharaunda iyi vanonzi vave kutya kushandisa mvura iyi nekudaro vanoenda kumimwe migodhi nemifuku.




