Vemachechi tinyareiwo: mambo… ‘Remekedzai nzvimbo dzinoyera’

Kingstone Mapupu
MADZIMAMBO ari kushora zvikuru vamwe vanamati vanoenda mumakomo nekunzvimbo dzinoyera vachinoungana nekuita minato sezvo vachiti maitiro aya kuzvidza pamwe nekufumura tsika nemagariro evatema. Mashoko aya akataurwa kuChivhu svondo rapera nemukuru wemadzimambo kudunhu reMashonaland East, Mambo Musarurwa, VaEnos Masakwa avo vanovazve nhengo yedare reSenate.
Mambo Musarurwa vakataura izvi pakupemberera makore 20 Mambo Mutekedza vari pachigaro chehumambo.

“Ini semukuru wemadzimambo muno muMashonaland East, ndinoti kuruzhinji varambe vachinzwa mashoko anobva kumadzishe nemadzimambo avo kuti tikwanise kutevedza chivanhu chedu. Tinoona vamwe vanamati vanomhanyira kumakomo nenzvimbo dzedu dzinoyera vachinonamatira ikoko nekuita zvimwe, izvi zvakaipa,” vanodaro. Vanoti zvakakosha kuti vanamati vakasiyana varemekedze nzvimbo dzinoyera.

“Izvozvi mumakomo edu eNharira kuno kuChivhu mave kungonounganamo mapositori. Munzvimbo iyi mune ninga dzinovigwa madzimambo emuno.

“Mapositori aya vanonzi endai munotora masimba muchitsipika zvirimo saka isu tinoti kune vemachechi ngavauye kwatiri tivape nzvimbo dzekunamatira nekuvaka machechi pane kuenda munzvimbo dzinoyera,” vanodaro Mambo Musarurwa.

Mambo ava vanoshorawo n’anga nemaporofita vanonyengera vanhu, kubata vana chibharo nekuita zvimwe zvinhu zvisakarurama.
“Dzimwe nyaya dzave kuitika dzinonyadzisa, kunzwa kuti tusvava turi kubatwa chibharo.
‘‘Musanyepere vanhu, paridzai shoko rekuponesa nerukudzo,” vanodaro.

Mabiko ekupemberera Mambo Mutekedza, VaAndrew Zhakata (73), kusvitsa kwavo makore 20 vachitonga akaitirwa papurazi ravo reJust In Time Homestead, kwekare kuChivhu.

Mambo Mutekedza ndeve chi13 kubva patanga humambo hwekwaMutekedza munguva yehutongi hwevachena.
Mambo Musarurwa vakarumbidza zvikuru hutongi hwemadzimambo vachiti vanhu havafanirwe kuchema-chema kana vachipihwa zvirango mumatare emadzishe.

“Kana iwe usingade kurangwa nemadzimambo usapare mhosva. Imwe nyaya yatiinayo ndeye kuroodzwa kwevana. Chokwadi kunzwa kuti mwana wemakore 12 aroorwa imi motodya pfuma? Aiwa apa sungwai muende kujeri,” vanodaro.

Gungano iri rakapindwa nemamwe madzimambo emudunhu reMashonaland East nevamwewo vakabva kumativi mana eZimbabwe.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×