‘Chijana chekuuraya munhu kuti tidye chave kumba kwangu’

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekuHurungwe anoti aneta nekuroya nekudaro haachazvidi sezvo zviri kumutambudza uye pari zvino ndiye ave nechijana chekuti auraye hama yake yepedyo kuti vagozodya nyama yacho nevamwe varoyi.

Mudzimai uyu, uyo tichapa zita rekuti Mai Rumbi senzira yekumuchengetedza anoti akatanga achinzi ane mhepo yemudzimu wakaipa kusvikira akazoziva kuti anoroya.

“Dambudziko iri rakangotanga ndiri mudiki apo amai vangu vakashaika ndisati ndava kuziva ndikarerwa naambuya ndokuzobvunza ambuya vangu kudzinza kwangu vakanditi vaisakuziva. Ndarerwa naambuya kudaro, ndakazonzi kunoda kubviswa mombe yechiredzwa izvo ndisati ndaita,” vanodaro Mai Rumbi.

Vanoti pavaiyaruka vasvitsa makore masere okuberekwa, vakatanga kurota zvinhu zvakasiyana zvaityisa vachienda kumakuva nekumuka vaine madzimai akawanda vachichekerana nyama yevanhu.

“Imwe nguva ndairota ndichimhanya kana kubhururuka izvo ndakazotanga kufambira ndakura ndokuzobuda nyaya yekuti ndinoroya, ndikanzi ndakapihwa huroyi uhu nehama yechidzimai yepadyo,” vanodaro Mai Rumbi.

Vanoti vairotawo vachishinha nasekuru vavo uyewo nemwana wavo inova nyaya yaivashungurudza zvikuru.

“Ndakaramba ndichifamba ndakazonzi ndakanokorwa tsoka nekutemerwa nyoka senzira yekupinzwa mubasa rekuroya. Ndinobvuma kuti ndiri muroyi uye ndinonzi ndakapinzwa ndisingazive,” vanodaro Mai Rumbi.

Vanoenderera mberi vachiti: “Izvozvi ndinonzi nevamwe varoyi chava chijana changu chekuti ndiurayewo kumba kwangu kuti tidye nyama yemunhu anove hama yangu.”

Vanoti pavanorota vari kumakuva vachichekerana nyama nevamwe varoyi, mudumbu mavo munofuma muchirwadza zvikuru uyewo vachirutsa.

“Nyama iyi inosanduka ichimboita seyehuku kana kuti yemombe neimwe yandisingazive. Ndinorota ndichienda kune imwe nyika iri kure uko tinosangana takawanda tichidya zvinhu zvinosanganisira chingwa chekubika chimodho kana makabichi chaiwo,” vanodaro Mai Rumbi.

Vanoti manheru kunouya vanhu pakati peusiku vachivashevedza panze vobva vangomuka apo vozongoerekana vave kumakuva vachidya nyama.

“Ndakambogara kuKariba uko ndairota ndakaiswa mwenje kana kuti ‘globe’ pamhanza rinovheneka kwese kwandinofamba izvo zvakadudzirwa kuti ibere rinotungamirira kwese kwatinoenda kunoroya,” vanodaro.

Vanoti vanonzwa izwi richitaura kwavari pamusoro pevanhu vachafa mudunhu ravo nemazuva avachafa uye izvi zvichizoitika.

“Ndinonzwa mazwi anondizivisa kuti kuchafa nhingi kunyange achirwara kana asingarware nemazuva aanofa. Nguva dzikwana 12 pakati pehusiku kwandiri kunze kunenge kwatochena, handichakotsira zvakare kusvikira kuma5 mangwanani,” vanodaro Mai Rumbi.

“Ndiri kufamba ndichitsvaga kubatsirwa kubviswa huroyi inova nyaya inozivikanwa nemurume wangu nedzimwe hama.Vanhu vanondiziva havadi kufamba neni kana kumachechi sezvo vachitya kuti ndinovapa huroyi, vanhu vava kundisema.”

Vanoti nyaya yekuroya kwavo inozivikanwa nevavanogara navo kunyangwe nehama nekudaro havachazvidi.

“Ndinorota ndichibhururuka ndichizoona ndava kumakuva, imwe nguva ndichizoona ndava kunyika yeSouth Africa. Vanhu vandinoziva vatinoroya navo vakawanda, tinogona kuungana tiri vatanhatu zvichienda kumberi,” vanodaro Mai Rumbi.

VaGeorge Kandiyero vanove mukuru wesangano reZinatha vanoti huroyi hune pakasiyana sezvo pane hwekuromba, hwemashavi nehwekupihwa.

Vanoti Mai Rumbi vanofanirwa kubatsirwa nezvitopota zven’anga padambudziko ravo ravakatarisana naro iri.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×