Chikoro chakapihwa $1 000

VERUZHINJI vanokurudzirwa kusimudzira zvikoro zvavakadzidza, kunyanya muzvidzidzo zvesainzi.

Mashoko aya akataurwa nemukuru weChegutu Secondary School, VaLovemore Mathias Kabade, nguva pfupi yadarika apo vaitenda rubatsiro rwe$1 000 yakapihwa kuchikoro chavo naDr Takudzwa Mutsanga (28), avo vanove chamangwiza weQueen Mary Bio Tech Laboratory Medical Institute.

Mari iyi ndeyekusimudzira zvidzidzo zvesainzi uye Dr Mutsanga vakadzidza pachikoro ichi.

“Izvi zvakatikoshera, mukomana uyu (Dr Mutsanga) akadzidza pachikoro chino saka zvinofadza kuti adzoka kuzosimudzira chikoro chake nedonzvo rekuvandudza dzidzo.

“Mari yapihwa pano $1 000 ndeyekuvanduza dzimba dzinodzidzirwa zvidzidzo zvesainzi nezvimwe zvinodiwa kunge zviri muScience Laboratory,” vanodaro VaKabade.

Dr Mutsanga vanoti gore ravakadzidza paChegutu Secondary School paiva pasina zvidzidzo zvesainzi.

“Ndakadzidza pano gore ra2003, paiva pasati pave nezvidzidzo zvesainzi padanho reA-Level zvinova zvakaita kuti ndiende kune chimwe chikoro naizvozvo ndadzoka kuzobatsira chikoro changu. Zvakare ndinoda kukurudzira vana vechikoro kukosha kwemabasa akaita savanachiremba, maengineer nevanogadzira mishonga nezvimwe zvinoda kuti unge wakaita zvidzidzo zvesainzi zvinova zvinosimudzira nyika,” vanodaro Dr Mutsanga.

Vanoti donzvo ravo nderekusimudzira zvidzidzo zvesainzi kuzvikoro zvakasiyana munyika.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *