Chikoro chokumbira kuvakirwa zambuko

Fungai Lupande ari kuBINDURA

CHIKORO cheAvoca Primary School chiri kunze kwedhorobha reBindura chiri kukumbira gurukota reHurumende rinomirira dunhu reMashonaland Central, Senator Monica Mavhunga, kuti vabatsire pakuvakwa kwemurato kana kuti mudhebhudhedhu (footbridge) kuti vana vechikoro vakwanise kuyambuka rwizi Mazowe pasina njodzi.

Mukuru wechikoro ichi, VaStory Chokurongerwa, vanoti vana vazhinji vari kuisa upenyu hwavo panjodzi nekuyambuka rwuzi urwu urwo rwuzere makarwe vasingadi kupoterera nenzira dzakareba.

“Vana vedu vazhinji vanogara kumapurazi ari kumhiri kwaMazowe uye vanosarudza kuyambuka rwizi kana vachiuya kuchikoro zvinova zvine njodzi pane kuti vatevedze mugwagwa,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tiri kukumbira kugurukota rinomirira Mashonaland Central kuti vatibatsire nekuvakwa kwemurato kuitira kuti vana ava vasaenda panjodzi yekusangana nerufu nekurumwa nemakarwe kana kuyeredzwa nemvura. Tine vamwe vana zvakare vanobva papurazi rePasango avo vanoshandisa mugwagwa wetara kuuya kuchikoro zvinova zvinovaisa padambudziko rekusangana netsaona dzemumigwagwa.”

VaChokurongerwa vanoti vari kukumbirawo kuchererwa zvibhorani pachikoro chavo sezvo kurwizi kuri kuchera vana mvura pari zvino kuine makarwe.

Vanotizve vakarasikirwa nevana vaviri avo vakarumwa nemakarwe gore rapera vanoti Emelda Kuyeni aiita Giredhi 6 uyo akarumwa musi wa8 Gumiguru naPeggy Mandaza Ndemera akanga akamirira zvakabuda mubvunzo dzeO-Level asi ndokurumwa nemusi 23 Gunyana.

“Tine mugodhi wemvura unoshanda nemagetsi asi nekuenda-enda kuri kuita magetsi, tinopedzisira toshaya mvura.

“Izvi zvinoita kuti vana vapedzisire voenda kurwizi kunochera mvura. Vaviri ava vakavhiringidzwa nemakarwe apo vaichera mvura,” vanodaro.

VaChokurongerwa vanokumbirazve mamwe makombiyuta kuti vana vakwanise kuita zvidzidzo zviri muNew Curriculum zvakanaka.

“Tine makombiyuta maviri uye tinoda mamwe 40 kuti tikwanise kudzidzisa vana vedu zvakanaka,” vanodaro. Avoca Primary School iyo ine vana 464 ine mimwe midhuri mitatu yekudzidzira isina kuvakwa zvakanaka.

Pari zvino chikoro ichi chiri kuvaka midhuri miviri yekudzidzira kuburikidza nerubatsiro rwevabereki avo vari kuforoma zvidhinha zvekuvakisa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×