Handirohwe muno: Manyuchi

Abel Ndooka

CHARLES Manyuchi anoti kunyangwe zviite sei haafe akakundwa mutambo waanorwira muno pamberi pevatsigiri vake.

Shasha yetsiva iyi yange iri kutarisirwa kusangana naMudamad Sebyala wekuUganda munaChivabvu achirwira kuchengetedza bhande rake reWorld Boxing Federation.

Mushure mezvo, ange achifanirwa kuzorwa zvakare naSebyala vachirwira bhande reWorld Africa Boxing Association Supreme Middleweight.

Vaviri ava vaitarisirwa kusangana nemusi wa4 Kubvumbi kuHarare International Conference Centre (HICC).

Mutambo uyu hauchaenderera mberi nekuda kwedanho rakatorwa neHurumende rekumbomisa mitambo yose uye kuungana kwevanhu senzira yekurwisa kupararira kwechirwere checoronavirus.

Manyuchi anoti akagadzirira zvikuru mutambo uyu.

“Pandinorwira muno ndinenge ndiri pamusha saka handisiye munhu achiuya kuzondidherera uye handimbofe ndakakundwa ndiri mumba mangu.

“Muno ndimo muZimbabwe mumba mangu uye zvakafanana nekuti haungaregere munhu achiuya mumba mako okudherera oita zvaanoda newe.

Ini izvozvo handimbozvitendere kana kamwechete, ndinorwira kuchengetedza zita rangu uye kusimudza mureza wenyika wangu,” anodaro.

Kubva Manyuchi zvaakakundwa naQudratillo Abdukakhorov wekuUzbekistan mugore ra2017 apo akatorerwa bhande rake reWBC Silver Welterweight, akwanisa kutamba mitambo mishanu ndokuhwina mina achikundwa mumwechete.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *