Chikwata cheDavies Cup chakadadisa

SANGANO reSports and Recreation Commission rakakorokotedza chikwata chetenesi cheDavies Cup nekubudirira kwachakaita kufambira mberi kupinda muboka reGroup II Euro/Africa Zone mushure mekukunda Namibia mutambo wakatambirwa kuCairo, kuEgypt svondo radarika.
Zimbabwe yange yave nemakore akawanda ichikundikana mumutambo uyu. Yakange iri muboka rekutanga umo maive nenyika dzinoti Congo, Nigeria pamwe neMadagascar uye yakakwanisa kuhwina mitambo yayo yese ndokuzokunda Namibia musemi-fainari iyo yaive muboka rechipiri 2-0.

Mumitambo inotevera, Zimbabwe ichange yave kukwanisa kutamba nezvikwata zvekunyika dzinoti Belarus, Bosnia-Herzegovina, Finland, Luxembourg pamwe neSouth Africa.

Zvakadaro, SRC inoti zvakakosha kuti vakotsveri vapindire vabatsire chikwata ichi zvichitevera kukunda kwachakaita.

Mukushi wemashoko weSRC, Tirivashe Nheweyembwa anoti: “Basa rakabatwa nechikwata cheDavies rinodadisa uye tinofara nekusimudza mureza wenyika kwavakaita.

“Tinovatsigira zvikuru uye isu tiri kukurudzira masangano akasiyana kuti ngavachitange kudira mari nekuti mutambo uyu wazopfumbira.

“Zimbabwe tadzoka muEuro/Africa Zone izvo zvinova zvinhu zvinofadza zvikuru saka zvinoda kuti tibatane chikwata chedu chifambire mberi mumutambo uyu,” akadaro Nheweyembwa.

Zimbabwe yainge yakamirirwa nevatambi vanoti Takanyi Garanganga, Benjamin Lock, Martin Dzuwa, Tinotenda Chanakaira pamwe naMark Fynn.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×