Varimi vobatsirwa nemasimbi emidziyo yekurimisa

IMWE kambani yakazvimirira iri kubatsira varimi kuburikidza nekuvawanisa masimbi emidziyo yavanoshandisa muminda yavo nekuita mamwe mabasa akasiyana  kuti vakwanise  kuita gadziriro dzekurima dzemwaka wezhizha unotevera.

VaWillard Chirenje vanova director weBatiment Investments Pvt Ltd vanoti donzvo ravo nderekusimudzira mabasa ekurima kumativi mana enyika.

“Semakore ose kana mwaka wezhizha wave kusvika masangano evarimi nevakazvimirira vanouya totaura kuti tobatsirana sei kuti tigadzirire mwaka wedu wezhizha zvizere kunyange vasina mari ipapo tovapa simbi dzavanoda kuti vagadziridze angava magejo, motokari, matirakita nengoro.

“Kambani yedu inowanisa varimi maspring ose angava emotokari huru dzemarori, magiredha, macombine harvesters nezvimwe zvose zvinodiwa,” vakadaro VaChirenje.

Vanoti vanodyidzana zvikuru nevarimi vadiki nevakuru apo vamwe vanofanotora simbi dzavanoda vachizobvisa mari pashoma nepashoma.

“Iyi ndiyo yedzimwe nzira dzekuzadzikisa  chirongwa cheZIM-Asset chakavambwa nehurumende nekuti chinoda kubatira pamwe chete kuti chibudirire. Munoona kuti varimi vechichena vaiva mumapurazi vaipihwa kubvira kumbeu, mishonga, fetereza, matirakita nemichina yekudyarisa pamwe nemari zvakare nezvikwereti yekuitisa mamwe mabasa ose zvimwe zvacho vachizobhadhara mumakore maviri kana matatu aizotevera saka isu tiri kuti ngatisimudziranei nenzira dzose dzatinogona,” vakadaro.

Vakakurudzira varimi kuti vasamirire kuti mwaka wezhizha usvike kuti vazoenda kwavari kunobatsirwa asi kuti vasununguke kutaura navo nguva dzose.  VaChirenje vanoti vane nyanzvi dzinotevera varimi kumatunhu dzichitarisa kuti masimbi avo ari kushanda zvakanaka here.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×