Chikwata cheMbira dzeNharira chakaburazve

Tendayi Gahamadze
Tendayi Gahamadze

CHIKWATA cheMbira dzeNharira icho chinoridza chiri mumusha weNorton chakabura dambarefu idzva rinonzi Bvungurungwi Kwawaze (Road Block) iro rine nziyo nonwe.

Mutungamiriri wechikwata ichi, Tendayi “Samaita” Gahamadze (59), anoti dambarefu iri rinova rechigumi nerimwe rine mutakunanzva hwemhando dzembira dzose dzinosanganisira dongonda, karimba, nhovapasi, nheketo pamwe nehosho.

Dambarefu iri – iro rakatsikiswa nekambani yeDigital Zone – rine nziyo dzinoti Karomo, Bhurugwa rembwa, Zamu raMbuya, Ndimi Makabara, Kambiri, Mavirima naRudo.

Gahamadze anoti kambo kanonzi Karomo kari pamusoro pevanhu vanonyepa, Zamu raMbuya kachirumbidza rudo rwevanhukadzi kozoti muna Ndimi Makabara anenge achichema kune midzimu yenyika kuti irwire pamatambudziko anosanganikwa muhupenyu.

Kambiri anoti kambo kenhorowondo yekwakabva vanhu kuGuruuswa uye Mavirima akakaimba nechinangwa chekutsiura kutsaudzirwa kuri kuitwa chivanhu nevamwe vanhu.

“SeMbira DzeNharira, hatisi kudzokera kumashure ticharamba tichipakura mutakunanzva wenziyo dzembira. Ndinoda kuzivisa vanofarira musambo wedu wedeze kuti misi yeChishanu yoga-yoga tinenge tichiridza pabhawa reGijima (muguta reHarare) kubva manheru na8 kusvika zvanaka,” anodaro Gahamadze.

 

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×