
KUCHANGE kusingadanwe anonzwa svondo rino kubva musi weChina kusvika neSvondo kuGwanda uko kuchaitirwa mitambo yemaNational Paralympics Games.
Zvikwata zvakasiyana kubva kumapurovhinzi ese zvichaungana paJoshua Nkomo Polytechnic zvichikwikwidza mumitambo inoti nhabvu, basketball, netball, athletics, wheelchair tennis, wheelchair basketball negoal ball.
General manager wemaNational Paralympics Games, Nathaniel Madzivanyika, anoti kunyangwe hazvo purovhinzi yavo yeHarare yave nemakore ichienda kumutambo uyu ichitadza kuhwina gore rino icharwa semvumba kuti vahwine.
“Harare kubva pakatanga mutambo uyu hatisati tambohwina pamwe taimbobudirira kuenda pamwe tichikundikana asi gore rino kunyangwe vasingatifungire kuti tinohwina tichavarakidza kuti tinogona.
“Chikwata chedu chakagadzirira zvakasimba uye tiri kunorwira mukombe chete kuGwanda,” anodaro Madzivanyika.
Zvakadaro, mune imwe nyaya inosuwisa aimbove shasha yekukwikwidza mumujaho wewiricheya — Peter Muruko — akashaya svondo rino mushure mekunge arwara nedenda regomarara.
Madzivanyika anoti purovhinzi yeHarare pamwe nenyika yese varasikirwa zvikuru nekushaika kwaMuruko uyo aishanda zvakasimba mukusimudzira mitambo yemaparalympics.
“Isu sepurovhinzi yeHarare pamwe nenyika yese tarasikirwa zvikuru nekushaika kwaMuruko, murume aive akazvipira mukubatsira nekusimudzira mitambo yemaparalympics.
“Kune vamwe vese ndinoti zvakakosha kuti mutevere mumatsimba aMuruko uyo aive akazvininipisa mubasa rake.
“Mwari vakatipa Muruko uye vamutora, mhuri yekwaMuruko tinoti ngainyaradzwe naMwari vega nekuti ndivo vanokwanisa kutinyaradza panguva yakaoma kudai,” anodaro Madzivanyika.




