Chikwata cheSpecial Olympics choumbwa

Abel Ndooka
VARAIRIDZI vanodarika 90 vemitambo yakasiyana vanotarisirwa kuungana kuPrince Edward svondo rino uko kuchange kuchiumbwa chikwata cheZimbabwe Special Olympics icho chinotarisirwa kuzonokwikwidza kumitambo ye2015 Special Olympics World Summer Games kuLos Angeles, kuUnited States.

Zvikwata kubva kumapurovhinzi mana enyika zviri kusangana apo zvichange zvichitatsurana mumitambo yenhabvu ye7 aside pamwe neyeathletics kutanga musi weChishanu kusvika neSvondo.

Kumutambo weSpecial Olympics World Summer Games uyu, Zimbabwe ichatumira zvikwata zvitatu zvichanokwikwidza mumitambo inoti nhabvu, athletics pamwe negorofu.

Mutevedzeri wachamangwiza weZimbabwe Special Olympics, Owen Makaruwa, anoti mutambo wesvondo rino wakakosha zvikuru nekuti ndipo pavari kusarudza chikwata chavachatumira kuUS.

“Takafunga kuumba chikwata chedu nguva ichiripo nekuti tinoda kushanda nacho zvakasimba kuitira apo patichachitumira kuUS gore rinotevera chiende kunohwina menduru yegoridhe.

“Svondo rino tichange tasarudza vatambi uye tichatanga kutirena navo tichivatumira kumitambo yakasiyana senzira yekugadzirira,” akadaro Makaruwa. apurovinzi achange achikwikwidza anoti Harare, Mashonaland West, Midlands, Mashonaland Central, Mashonaland East, Bulawayo neManicaland. Mushure mekunge mutambo uyu wapera, varairidzi ava vachapinda zvidzidzo nesangano reSpecial Olympics Africa iro richange richivadzidzisa zvirongwa zvakasiyana pamusoro pekutirena vatambi vemitambo iyi.

Related Posts

‘Ndiri kuda kudya nyama yemunhu’

Kingstone Mapupu MWANASIKANA ane makore 21 okuberekwa anobva kwaSabhuku Mugugu, mudunhu raMambo Zvimba, kwaZvimba, anonzi atambudzwa nemweya wave nemakore matatu uchisvika paari, uchitaura kuti unoda kudya nyama yemunhu. Mwanasikana uyu…

‘Hondo’ yekurwisa kutorwa kwezvinodhaka yakora muto

Munyori weKwayedza ZVINODHAKA nezvimwe zvisingatenderwi zvinokosha ZiG80 miriyoni zvakatorwa kubva kune vanozvitengesa panguva iyo Hurumende iri kusimbaradza nyaya yekurwisa dambudziko iri, Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro Dr Zhemu Soda vanodaro.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *