Chikwata cheZPCS chomirira Zim kumitambo yeSADC

Muchaneta Chimuka

CHIKWATA cheZimbabwe Prisons and Correctional Service (ZPCS) svondo rapera chakaitirwa mabiko emuonekedzano, apo chaienda kunokwikwidza kumitambo yeSADC Corrections/Prisons/Penitentiary Services Sports and Cultural Games iri kuitwa kuWindhoek, kuNamibia.

Mitambo iyi, iyo inosanganisira nhabvu, volleyball nenetball, yakatanga nemusi wa4 Nyamavhuvhu uye ichapera musi wa8 Nyamavhuvhu.

Vachitaura pachiitiko ichi svondo rapera, ZPCS Commissioner-General Moses Chihobvu vanoti vane chivimbo chokuti chikwata ichi chichanomirira Zimbabwe zvine mutsindo.

“Mitambo iyi haangori makwikwi bedzi asi kuti mukana mukuru wekuratidzira zvipo zvenyu nekusimudzira mabasa anoitwa mukuchengetedzwa kwevasungwa munyika muno pamwe nedzimwe nyika dziri muSADC, uye isu tichidzidzawo kubva kunyika idzodzo munyaya dzemitambo,” vanodaro.

Vanokurudzira nhengo dziri kukwikwidza kuti dziite mitambo iyi nemwoyo wose, dzisimudzire mureza weZimbabwe munyaya dzemitambo.

“Mukana wokuti munge muchienda kunokwikwidza kunyika iyi hauna kuuya nhando asi kuti mucherechedzo wokuti makagona kuratidza unyanzvi hwenyu. Saka, endai munoratidza zvidavado zvenyu, musimudzire mureza wenyika yenyu nenzira ine rudo neruremekedzo,” vanodaro.

Comm-Gen Chihobvu vanoti vari kutarisira kuti chikwata cheZimbabwe chinge chichiunza menduru yegoridhe uye vachange varipowo mukuvatsigira pamakwikwi aya.

“Tinoramba tichikomekedza kuti murambe makazvibata nekuzvipira. Hatidi vanhu vanotora zvinodhaka nokuti kuita kwakadaro hakutenderwi munyaya dzemitambo zvachose sezvo kunokanganisa utano, zvipo nemabasa enyu uye kunodzikisira unhu nechimiro cheZPCS. Kuvatyairi, ndinoti fambai nechikwata chedu zvakanaka kudakara vadzoke murugare,” vanodaro.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×