Don Makanyanga
Zimpapers Sports Hub
ACHANGE ari makuwerere chaiwo musi weMugovera uno kuZaka, uko zvikwata zvisere zvevanasikana zvichatatsurana muLM Auctioneers Girls Soccer Festival.
Zvikwata zvezvikoro zvinoti St Joseph’s High School, Mutsambwa High School, Magara High School, Rudhanda High School, Mutimwi High School, Chimbwembwe High School, Dzoro High School neManingi Youth Soccer Academy ndizvo zvichange zvichibandana pamutambo uyu.
Mutambo uyu uchashanda basa guru rekurodza tarenda revatambi venhabvu vechisikana, pamwe chete nekuvapa mikana yekusimukira mumutambo uyu sezvo vachange vachitariswa nevarairidzi vakasiyana-siyana.
Lewis Muzhara, weLM Auctioneers, avo vari kuronga mutambo uyu, anoti donzvo ravo sekambani kupa mikana kune vanasikana vanobva kunzvimbo dzekumuruwa nekumamisha yekusimukira munhabvu, pamwe chete nekuvapa dzidziso yokuti vagozvibata kana vachida kubudirira muupenyu hwavo.
“Chinangwa chemutambo uyu kupa mikana kune vanasikana vanobva kumaruwa nenzvimbo dzakati sarei, kungave kumamisha, yokuti matarenda avo emitambo agoonekwa uye kuvavhurira mikana yokuti vakwanise kuenda kure muupenyu hwavo nokuda kwenhabvu nemitambo yakasiyana-siyana,” anodaro Muzhara.
“Shuviro yedu huru kuona kusimukira kwevanasikana uye nhabvu yemadzimai.
“Tinoda kuti vanasikana vanzwisise kuti hakuna chinovatadzisa kuita zvavanoda muupenyu hwavo. Vakazvipira kuita chavanoda vanosvika kure kuburikidza nemitambo yakasiyana-siyana.
“Nokuda kwenhabvu iyoyi, vanogona kutoendeswa kuchikoro nayo kana vawaniswa mabhezari, votodzidza pachena.”
Anoenderera achiti apo mitambo inenge ichiitwa, pachange paine chimwe chikwata chichange chichipa chenjedzo pamusoro peuipi hwekutora zvinodhaka uye vamwe vanenge vachiita hurukuro nekupa dzidziso maringe nekuronga ramangwana.
“Kunze kwekutamba nhabvu, pachange paine mapoka akatsaukana-tsaukana achange achipa dzidziso kune vatambi vedu, achitaura pamusoro penhau dzakasiyana-siyana, kusanganisira kutorwa kwezvinodhaka uye kuzvirongera ramangwana.
“Tinoda kuti vana vedu mune ramangwana, vagotora matanho akanaka, upenyu hwavo husaende mudondo.
“Vamwe vatambi, paupenyu hwavo, vachararamiswa nenhabvu. Kune vamwe, zvenhabvu zvinogona kuramba kuita, saka tinoda kuti vana vadzidze kuzvirongera ramangwana ravo, vagoziva zvavanoda kuzoita vakura. Ibasa redu tose kuti tigadzirire nzira dzakanaka dzokuti vana vedu vagofamba nadzo mune ramangwana,” akadaro Muzhara.