Muchaneta Chimuka
MUMWE murume wekwaMurewa akapiwa chirango chekugara mutorongo kwemwedzi 30 mushure mekubatwa nemhosva yekubira hama yake yepedyo madhongi maviri.
Stephen Mudiwakure, wemuMuzembe village, akapihwa chirango ichi nemutongi weMurewa Magistrates’ Court, VaGamuchirai Gore, nomusi weMuvhuro svondo rapera mushure mekuongororwa kwakasimba kwenyaya dzake.
Kubva kumagwaro ekumashure, dare rakadzidza kuti murume uyu aiva mbavha huru yemadhongi. Zvakaonekwa kuti akanga aine dzimwe nyaya dzaakambopara dzinokwana kuita shanu, apo akaba madhongu mapfumbamwe.
Muchuchisi wedare iri, VaSimbarashe Samanyanga, vakaburitsa pachena kuti nomusi wa26 Chikumi gore rino, nenguva dza6 mangwanani, Mudiwakure akaba madhongi maviri aVaMichael Chigwaza (45), vemumusha waZhakata, pasi paShe Mangwende. Zvipfuyo izvi zvakange zvavharirwa mudanga.
VaChigwaza vanonzi vakashamisika kufumowana madhongi avo maviri asimo mudanga. Vakaedza kuatsvaka munharaunda iyi asi vakaashaya.
Zvinonzi mangwanani emusi wa14 Chikunguru, VaChigwaza vakaona madhongi avo ari pamba paMudiwakure apo vainge vari parwendo kuenda kuMarondera. Vakabva vazivisa mapurisa, ayo akaita chimbichimbi kunomusunga.
Madhongi maviri aya, ayo aikosha US$300, akawanikwa uye akashandiswa seumboo mudare.
Achikumbira dare kuti rimunzwire Tsitsi, Mudiwakure akati aisashanda.