KWAYEDZA

Hurumende yopindira mukurwisa chirwere chemombe

neMunyori weKwayedza

HURUMENDE, kuburikidza neDepartment of Veterinary Services, yapinda muhurongwa hwekununura varimi avo vave kurasikirwa nemombe nokuda kweJanuary disease mudunhu reMashonaland Central.

Zvinonzi dambudziko iri ranetsa zvakare nokuda kwekushaikwa kwemvura mumadhibhi pamwe nekusagadzikana kwezvivakwa zvacho.

Mukuru webazi iri, Dr Pious Makaya, vanotsanangura kuti chirwere cheJanuary disease, icho chinozivikanwa kuzvidzidzo zviri maererano nezvipfuyo nezita rokuti Theileriosis, chinokonzerwa neutachiona hunofamba nemuropa hunotapuriranwa nezvikwekwe zvinonzi brown ear tick.

Dambudziko iri riri kushungurudza varimi vakawanda mudunhu iri.

Mumwe wevarimi vekuBindura, VaCharles Munoka, vanoti vakarwadziwa zvikuru mushure mekurasikirwa nemombe mbiri papurazi pavo.

“Madhidhi edu haachashanda uye ane makore asina mvura. Tave kungoshandisa girisi (tick grease) nekupfapfaidza zvikwekwe nemichina asi hazvinyatsobatsira. Mutumbi wose wemombe unofanira kunge uchipinda mudhibhi kuitira kuti zvipembenene zvose zvipere,” vanodaro.

Vanotizve dambudziko iri rinoda mushandirapamwe pakati pevarimi neHurumende kuitira kuchengetedza pfuma iyi.

Dr Makaya vanoti mudunhu reMashonaland Central mune madhibhi anosvika 354, asi 56 awo ane dambudziko rekusava nemvura kwenguva refu, izvo zvave kudzorera kumashure basa rekudzivirira zvipfuyo kubva kuzvirwere.

“Mumwedzi 24 yadarika, Hurumende yange iri kuita chirongwa chekurwisa chirwere ichi.

“Izvi zvinosanganisira kudhibhisa mombe nguva dzose, kuwaniswa kwemishonga yemaacaricides, kuvandudzwa kwemadhibhi, kubaiwa kwenhomba nekudzidziswa kwevarimi,” vanodaro Dr Makaya.

Bazi iri rinoti richaramba richishandisa nhepfenyuro, dandemutande nevanoona uye kudzidzisa nezveutano hwezvipfuyo (veterinary extension officers) kuparadzira mashoko echenjedzo.

Varimi vanokurudzirwa kucherechedza zviratidzo zvinosanganisira kupisa kwemuviri wechipfuyo, kuzvimba mushaya, kusafema zvakanaka, kusada kufura uye kushaya simba zvekutadza kumira zvakanaka kuitira kuti vakurumidze kuzivisa vanamazvikokota kana vachinge vaona zvakadai, rubatsiro rugowanikwa nenguva.