neMunyori weKwayedza
VABEREKI vemwanasikana wemakore manomwe okuberekwa wekwaSabhuku Mandere, mudunhu raMambo Musana, kwaMusiiwa, kuShamva, vanoti vatambura nokuda kweronda risiri kurapika riri pagumbo remwana wavo.
Mai Angeline Mupariwa (43), vanova amai vemwana uyu, vanoti vayaura nokuda kweurwere hwemwana wavo, wavanoti ave kutadza kuenda kuchikoro nekuitawo mamwe mabasa pamusha nezvimwe.
“Ndine mwana wangu musikana wemakore 7, Rufaro Magombedze, uyo ane ronda rakangotanga roga pamupimbira wekugumbo rekurudyi. Ndatambudzika nokuti ronda iri harisi kupora,” vanodaro Mai Mupariwa.
Vanoti ronda iri rakatanga richingova diki, ndokuzotanga kukura.
Vanotizve vafamba muzvipatara nemuchivanhu asi hapana kubatsirika kwavari kuwana.
“Mwana wangu ava nemakore anodarika maviri aine dambudziko iri. Pakatanga ronda iri takangofunga kuti chirondawo zvacho, ndokuramba chichikura. Izvozvi nyama yadyika zvokuti bhonzo rave kuoneka. Mwana wangu haachakwanisa kufamba; kana kumutuma chaiko pamba hazvichaiti.”
Mai Mupariwa vanoti vakaenda nemwana uyu kuzvipatara zvinosanganisira Shamva Hospital uye Chitungwiza Hospital, nemamwe makiriniki nekutengawo mishonga yakatsaukana-tsaukana asi hapana chiri kubatsira.
“Vanachiremba vakabvisa nyama pachironda ichi, vachiti iongororwe, asi kusvika parizvino hapana chati chaitwa chinobatika. Ndiri kutsvagawo rubatsiro rwokuti mwana wangu aite zvakanaka,” vanodaro.
Vanoti vapedza kutengesa midziyo yakasiyana-siyana vachitsvaga mari yekurapisa mwana uyu pasina chinobuda.
“Mwana wangu arwadziwa. Ndinodawo kuti adzokere kuchikoro, adzidze sevamwe vana,” vanodaro.
Kune vanoda kubatsira mwana uyu, ridzai nhare panhamba dzaamai vake dzinoti 0774 636 891.