KWAYEDZA

Murume opika makore 15 abata muvakidzani chibharo

Muchaneta Chimuka

MURUME wemakore 52 okuberekwa wekwaSeke, uyo akashaya ganda kumeso apo akabata chibharo mudzimai wemunharaunda maanogara waakanga asangana naye mumugwagwa, akapiwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15.
Agripa Mushonga, wemuDitima village, Dema, ndiye akapara mhosva iyi.

Mutongi weChitungwiza Magistrates’ Court, Mai Gloria Takundwa, ndivo vakamupa charango ichi mushure mekumuwana aine mhosva yekubata chibharo.

Muchuchisi Shamiso Charmaine Mwapangira akaudza dare kuti nomusi wa7 Gunyana gore rino, mumhan’ari (zita tinorichengetedza) akasangana nemusungwa uyu pazvitoro zvepaKunaka, vaviri ava vachibva vatanga kufambidzana vachienda kumba.

Mushonga akabatsira mumhan’ari kumutakurira mwana wake. Pavakange vave kuparadzana, Mushonga akarambira nemwana, achiti mukadzi uyu aizofanira kuuya kumba kwake kuzomutora.

Pashure, mumhan’ari akazotevera mwana wake, achibva audzwa naMushonga kuti apinde mubhedhuru. Akazoshamisika kuona Mushonga ave kuvhara gonhi, ndokumusaidzira pamubhedha. Akabva amubata chibharo kamwe chete pasina dziviriro.

Mumhan’ari akazobuda mumba muya nechisimba, ndokubva anotaurira amai vaMushonga nezvechiitiko ichi, izvo zvakaita kuti nyaya iyi imhan’arwe kumapurisa.

Mumhan’ari akaendeswa kwachiremba kunovhenekwa uye magwaro akabvako akabudiswa mudare seumboo.