Chikwata chotsvaga rutsigiro

Kingstone Mapupu —
CHIKWATA chevaimbi vechidiki vari kusimukira chemusambo weZim-dancehall cheStreet Vibezz International chiri kuDomboshava chinoti basa racho harizi kufamba zvakanaka nekuda kwekushaya rutsigiro.

Chikwata ichi chine nhengo shanu uye chinonyanyoridzira panzvimbo yeMverechena kwakare kuDomboshava.

Chakavambwa mugore ra2005 chichitungamirirwa naGodwishe Shamhuyedova (35) uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti DJ Snowy.

“Ini ndinoridza mimhanzi nemagitare uyewo ndiriDJ. Ndine vandinobatsirana navo asi nyaya hombe zvinhu zvakaoma. Hatisi kuwana vemabhizimisi nevamwe vanotitsigira mubasa redu. Izvozvi hatina kwekuridzira tinodawo nzvimbo dzekuvaraidza vanhu tichiwana zvekuraramisa mhuri dzedu,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Kumwe kwatinoenda kunoridza tinowana mari nekubhadharisa asi dzimwe nguva varidzi venzvimbo dzatinoridza vanotibhadhara ivo votora mari inobhadharwa nevanhu pakupinda,” anodaro.

Vamwe vari muchikwata ichi vanosanganisira Joseph Mashundula Mapuranga (22), Darlington Amilu (24) uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Blarker G naArtist Shizz (26).

“Mhuri dzedu dzave kufa nenzara tinokumbira kana kuine vanoda zvavo kuridzirwa mumabhawa avo kana nhengo dzedare reParamende nevamwe vatibatsirewo,” anodaro Shamhuyedova.

Kune vanoda kubatsira chikwata ichi vanokwanisa kuridzira panhare dzine number dzinoti 0775 401 059, 0772 622 593, 0735 363 199 kana 0773 671 099.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *