Cde Chinx vorangarirwa

Abel Ndooka —
MWANAKOMANA wemukoma wemushakabvu anove gamba rehondo yeChimurenga – Cde Dickson ‘Chinx’ Chingaira – Norest Magede, anotsidza kuti achashanda nesimba kuti arambe achisimudzira mhanzi yavo.

Magede, uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Mambo Makoni, mumwe wevaiimba naCde Chinx muchikwata chavo.

Zvichitevera kushaya kwaCde Chinx mwedzi wadarika, Mambo Makoni akabura dambarefu rake rinove rechipiri rinonzi ‘Kutonga ndekwaMwari (Tribute to Cde Chinx)’ iro anoti nderekurangarira Cde Chinx pamwe nekupemberera hupenyu hwavakararama.

“Cde Chinx raive gamba panyaya dzemhanzi uye kwandiri ini vaindigonera sezvo vakandibatsira chaizvo pakutanga kwangu kuimba. Handimbokanganwe rutsigiro rwavakandipa ndichitanga kuimba sezvo vakanditendera kuti ndipote ndichiimba dzimwe nziyo dzavo dzakavatsikisa kare,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Ndinonzwa kurwadziwa ndikafunga nezvavo nekuti ndivo vakaita kuti ndipinde munyaya dzemhanzi, mumwoyo wangu mune ronda guru risingafe rakapora asi ndinoti zororai murugare.”

Anoti pakubika dambarefu rake iri akabatsirwa nevamwe vaimbi vanosanganisira Progress Chipfumo naWillom Tight.

Dambarefu iri rine nziyo dzinoti Kutonga ndekwaMwari, Mabvuku, Anything Anywhere, Kana Makohwa, Manhanga, Tsvingo Yedu, Kana uri nherera, Andikanganwe uye naMasiziva.

Maneja waMambo Makoni – Vincent Chingoriwo – anoti vacharamba vachisimudzira zita raCde Chinx kuburikidza nemhanzi.

“Tine zvakawanda zvatiri kuronga kuti tirambe tichisimudzira zita raCde Chinx, vaive gamba nababa vedu,” anodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *