Chikwereti cheCadetship chava $62m: Gandawa

Tandayi Motsi —
HURUMENDE iri kushanda nesimba kuti ibhadhare chikwereti chemari inosvika $62 miriyoni yevadzidzi vanobatsirwa pasi pechirongwa cheCadetship, avo vari kuita zvidzidzo zvakasiyana kumakoreji nemayunivhesiti munyika.

Mashoko aya akataurwa nemutevedzeri wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina, Dr Godfrey Gandawa, mudare reNational Assembly nguva ichangodarika. Dr Gandawa vaipindura mubvunzo wemumiriri weBulawayo East mudare iri, Muzvare Tabitha Khumalo, avo vaida kuziva kuti sei kubvira pakatanga chirongwa cheCadetship, vadzidzi vasiri kubhadharirwa mari dzavo dzefundo.

“Kubvira chirongwa ichi chichitanga, mari yevadzidzi haisati yabhadharwa. Chii chinoitika kana mari iyi ikasabhadharwa uye chii chinokanganisika?

“Semuenzaniso, bazi redzidzo yepamusoro rine chikwereti che$2 miriyoni kuNUST (National University of Science and Technology)” vanodaro. Dr Gandawa vanoti Hurumende ine chikwereti chemari inosvika $62 miriyoni iyo inofanira kubhadharirwa vadzidzi kumakoreji nemayunivhesiti akasiyana munyika.

“SeHurumende, takaisa nyaya iyi kubazi rinoona nezvehomwe yenyika kuti rione kuti mari iyi yabhadharwa sezvo riri basa ravo. Harizi bazi redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina rinofanira kubhadhara mari iyi asi kuti bazi rinoona nezvehomwe yenyika ndiro rinofanira kubhadhara zvikoro zvedzidzo yepamusoro izvi,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinonzwira hurombo zvikoro zvedzidzo yepamusoro izvi nekuti chokwadi zvinoda mari yekushandisa. Tiri kutaura nebazi rinoona nezvehomwe yenyika. Pari zvino riri kubhadhara US$30 000 pamwedzi woga-woga yekubatsira zvikoro izvi kusvikira chikwereti ichi chabhadharwa chose.  Tinoziva kuti mari iri kubhadharwa iyi pamwedzi haikwane, asi seHurumende, tinonzwisisa matambudziko aripo nekudaro tiri kuagadzirisa.”

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×