Chikwereti choparadza hushamwari

Nyasha Chabvonga
VAVAKIDZANI vakatosvorana nenyaya yechikwereti zvakazoita kuti vapedzisire vadhonzerana kumadare edzimhosva mushure mekugara vachipopotedzana.

Pamela Chiwete akamhan’irira Prisca Chiparatonga kuHarare Civil Court achiti ari kumuonesa pfumvu nekugara achimutuka zvekuti ave kushaya chimiro pane vamwe.

“Changamire, mukadzi uyu anogara achindituka, anopopota zvokuti ndinoshaya pekupinda. Prisca anoti paasanganirana neni pose anongopopota, hazvinei kuti tiri panzvimbo yakadii kana kuti tamboonana here,” akadaro Chiwete.

Chiwete akati ave kutoshaya mufaro nekugarotukwa naChiparatonga.

“Anouya pamba pandinogara otanga kundituka, haanyari chero murume wangu aripo. Kutaura kuno imba yangu yava kuda kutoputsika nepamusana pehunhu hwake, haanyari hameno kuti akaita sei,” akadaro.

Chaparatonga akapikisa mashoko aChiwete achiti pakutanga vaiwirirana zvebhande nebhurugwa chairo asi vakazoburana nenyaya yechikwereti icho akamupa asi ari kuramba kudzosa.

“Ndaigara padhuze naye tichiwirirana zvikuru, hapana asingazvizive muraini. Taikweretesana sepachihukama, murume wake ndaimutora sehanzvadzi yangu nokuti tinobva kumusha kumwe chete. Asi dambudziko rakatanga pachikwereti apa, haadi kundidzosera mari yangu,” akadaro Chiparatonga.

Akati kupopotedzana kunotaurwa naChitewe kwakauya mushure mekubvunzana chikwereti.

“Anonyepa, sandi chokwadi chaari kutaura. Ndiye anonditukirira kana akandiona anonditi ndiri zihu** kana muroyi. Haadi kuti ndisvike pamba paanogara chero ndisina kufambira iye.

“Ndinotozoshamisika ndave kunzwa munhu ave kupopota achiti ndisafambire pedyo nepaanogara iri nzira yokusada kubvunzwa chikwereti,” akadaro.

Mutongi Ruth Kamangira akapa gwaro redziviriro kuna Chiwete.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×