Mibvunzo yeveruzhinji kuzwla

MUBVUNZO 1

Ndeapi matambudziko ari kubatsirwa nesangano reZWLA pazuva roga-roga?

Mhinduro:

Sesangano reZWLA tinowanzoita nyaya dzine chekuita nemitemo yemhuri dzakadai sekurambana, kurwisana mudzimba, kugoverana kwenhaka nemendenenzi.

MUBVUNZO 2

Ndeapi matambudziko anosangana nemadzimai takatarisana nenyaya dzemitemo muZimbabwe?

Mhinduro:

Madzimai anosangana nematambudziko akaita sekushaya ruzivo uye kusasimukira nekuda kwezvinhu zvisina kugadzirisika mumitemo yewanano. Mamwe ematambudziko aya anosanganisira:

1. Vamwe varume vanotengesa midziyo yakaita sedzimba pasina kutenderana nemadzimai avo kunyangwe vakabatsirana kuitenga. Izvi zvinokonzerwa nekuti wanano dzemuZimbabwe dzinoti chako ndechako, changu ndechangu panyaya dzemidziyo. Midziyo yevanhu vari muwanano hainzi ndeyavo vose nemhaka yekuti vari muwanano asi kuti mudziyo wakanyoreswa zita raani.

2. Madzimai mazhinji atinobatsira kuZWLA vane wanano isina kunyoreswa apo vanenge vakangoroorwa zvekubvisirwa pfuma patsika dzechivanhu. Wanano iyi hainyanyi kutariswa seyakakosha kunze kwekuti kana pari panyaya dzemendenenzi, kugara nhaka, penjeni kana kuparwa kwemhosva.

3. Wanano yemhando yeCivil Marriage Chapter 5:11 inokwanisa kuitwa kumaMagistrate Courts asi dare guru reHigh Court bedzi ndiro rinogona kuipfudza kana kuti kuiparadza. Kune matare makuru maviri eHigh Court ari muZimbabwe ari muHarare neBulawayo. Nokudaro pachine mukaha wekuti vanhu vawane rubatsiro kumatare aya nekuti mashoma uye ari kure nevanhu, zvikuru kumadzimai anenge asina mari yekufambisa.

4. Kune dzimwe wawano dzinonetsa apo varume vanoita wanano mbiri dzinoti dzeCivil yemukadzi mumwe murume mumwe vobva vazoitawo yeCustomary nemadzimai echipiri apo mudzimai mumwe nemumwe anenge achitarisirawo kuzowana mugove wake pamidziyo inenge yasiiwa nemurume mushure mekushaya.

Dambudziko riripo nderekuti kazhinji kacho mudzimai anenge achigara kumusha kana kumapurazi. Madzimai iwaya anokundikana kuwana migove yavo nekuti vanenge vachinzi ngavawane migove yezvinhu yekunzvimbo dzavakange vachigara.

5. Customary Marriage Act (Chapter 5:07) haitaure zera rewanano yemunhu zvinoita kuti vanasikana vasati vabva zera vange vari panyatwa. Tinovimba kuti mutemo uyu uchatariswa ugovandudzwa.

MUBVUNZO 3

Ndeapi matambudziko ari kukonzera kuparara kwewanano – kubva muongororo yakaitwa neZWLA mubasa ratinoita?

Mhinduro:

1. Vanhu vanenge vasiri kugara semurume nemukadzi kwenguva ingasvike gore kana kupfuura.

2. Upombwe apo mumwe anenge akanganisirwa anoti haangakwanise kugara nazvo.

3. Mhirizhonga mukati mewanano apo madzimai ari iwo anonyanya kushungurudzwa.

4. Kusachengetwa kwemhuri nekuda kwekusagoverana mari kwakaringana.

MUBVUNZO 4

Mungati here mudzimai haana kodzero yekuwana nhaka yeimba yakatengwa asina kuroorwa pasi peSection 5:11 yemutemo wewanano?

Mhinduro:

Chinangwa chemutemo wekugoverwa kwenhaka kuvanhu vari muwanano isina kunyoreswa ndeyekuti vangotariswewo sevamwe vavo vakachata. Mutemo unongoti kana mumwe afa asara wacho anotora zvingave imba nemidziyo irimairi angave murume kana mudzimai.

 

MUBVUNZO 5

Ndeapi matambudziko ari kusangana nemadzimai anenge achizvigarira oga kuti vange vachiwana zvitupa zvekuzvarwa zvevana, mapasipoti somuenzaniso kumurume anenge aita vana navo?

Mhinduro:

Kana vanhu vachinge vakaroorana vakachata zvinenge zviri nyore kuti vange vachiwana zvitupa zvevana vachishandisa chitupa chavo chemuchato. Mutemo wemuZimbabwe waona kuti vana vanga vachigara vasina zvitupa apo vanababa vavo vanenge vasingade kuvatorera wakabva watanga kuvandunzwa zvakuita kuti madzimai asdina varume vanokwanisa kutorera vana vavo zvitupa pachavo. Pakadai vana vanenge vachizowana mazita ekudzinza rekwamai (surname).

Asi nyaya dzechivanhu apo zvinonzi vana vanofanira kupihwa zita redzinza rekwababa dziri kuita kuti vana vazhinji vagare vasina zvitupa zvekuzvarwa.

 

MUBVUNZO 6

Bumbiro idzva remutemo rinoti chii maringe nenyaya dzewanano?

Mhinduro:

Chinangwa chebumbiro idzva remutemo nderekuona kuti vanhu vanenge vari muwanano vane kodzero dzakafanana kunyangwe pavanorambana. Mutemo unochengetedzawo zvido zvevana nevanenge vari muwanano chero pakufa takatarisa nyaya dzekugoverwa kwemidziyo yevanenge vafa.

Bumbiro rinotizve vanhu vanofanira kuroorana paine kuwirirana nekuda pasina kumanikidzwa. Section 26 inobva yachngetedzazve kuti vana vasamanikidzwe kuroorwa. Rinopaurazve kuti muhu ane makore 18 zvichikwira ndiye anokwanisa chete kupinda muwanano.

 

MUBVUNZO 7

Ndeapi mazano amungape kumadzimai takatarisana nenyaya dzamunosangana nadzo mubasa renyu seZWLA?

Mhinduro:

Ndingade kupedzisa nekuti zvakakosha kuti madzimai ange achiziva mitemo ine chekuita nekodzero dzavo zvikuru maringe nenyaya dzewanano dzavanenge vari. Zvakakosha kuti vazive kuti wanano dzavo dzinovapa kodzero dzipi zviluru sei maringe nenyaya dzemidziyo, zvikwereti, midziyo yenhaka nezvimwe. Ruzivo rwakakosha. Madzimai anofanira kukasika kutsvaga rubatsiro rwemitemo kana pane zvinenge zvanetsa kuti vange vachichengetedzwa ivo nevana vavo.

Tinokurudzira madzimai kuti vasatye kutaura zvinovanetsa, vamhanáre kana pane zvirikuvavhiringidza zvikuru sei takatarisa nyaya yemhirizhonga. Bumbiro remutemo redu rinokoshesa kuchengetedzwa nekuremekedzwa kwekodzero dzemunhu wese saka zvakakosha kuti madzimai azive kuti mitemo iripo kuvachengetedza.

Related Posts

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×