‘Chikwereti handidzose, nekuti taidanana’

Arnold Kaseke
MUKADZI nemurume vakaendesana kumatare edzimhosva apo murume airamba kubhadhara chikwereti mushure mekunge varambana achiti zvinhu zvaainzi abhadhare akazvipihwa pachena vachiri kupengesana murudo.
Ema Kunze akamhan’arira aimbova murume wake, Kevin Vera, kuHarare Civil Court achiti ari kuramba kumupa mari yezvinhu zvavakakweretesana apo vaidanana.

“Vedare, murume amire apa uyu ari kuramba nemari yezvinhu zvaakakwereta kwandiri. Nditori neumboo hwekuti akandikwereta asi ave kuramba kundipa mari.

“Ndainyora pasi zvinhu zvese zvaaikwereta. Akatora mbatya nejira rekugezesa zvinokosha $30,” akadaro Kunze.

Mutongi Gamuchirai Siwardie akabvunza Vera kana chaive chokwadi chaitaurwa naKunze iye ndokupindura achiti:
“Mukadzi uyu auya kudare nekuda kwekuti ane chigumbu chekuti ndakamuramba.

“Zvese zvaari kutaura zvekuti ndakamukwereta zvinhu ndezvekunyepa. Zvinhu izvi akandipa mahara tichiri kudanana uye iye zvino ndave kutoshamisika kuti ave kuti akandikweretesa.

“Amboverengawo here zvinhu zvandaimupa? Ndikatanga kumubvunza zvinhu zvacho anondipa here mari yangu?”
Mutongi Siwardie akati Vera ape Kunze mari yake mwedzi waGunyana usati wapera.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×