‘Chimoko’ chakakutsiranwa

Yvonne Chidochashe Manyanja

MUKADZI wekudanana nemurume wemuridzi anoti akazvisikira moto muziso zvichitevera kurwiswa kwaakaitwa nemudzimai wacho achibatsirana nemwana wake.Barbra Manyangadze akapotera kudare reHarare Civil Court achimhan’arira Mercy Katanha nemwana wake, Grace Katanha, achida kubhadharwa mari yake $199 yegonhi nemidziyo zvavanonzi vakapwanya kumba kwake apo vaimurwisa.“Ndinokumbirawo kuti vanhu ava vandibhadhare mari yangu. Ndakavaregerera mushure mekunge ndasiririswa kuti sezvo vaine vana zvaisaita kuti vawanikwe vave kupinda mujeri nenyaya yekundishungurudza kwavakaita.

“Ini murume wemukadzi uyu ndakanga ndisingazive kuti ane mudzimai, kudai pasina mumwe wangu akazvifumura zvichitevera hondo yandakazoona yave pamba pangu.

“Mukadzi uyu akauya kumba kwangu achipopota ndikakiya gonhi rangu ndaona kuti handingazvikwanise. Vakatora matombo vakatema-tema gonhi remumba matakanga tiri kusvikira ratsemuka vachibva vatanga kudongorera nepavakanga vapaza,” akadaro Manyangadze.

Akati Mercy nemwana wake vakadzurawo chibage nemuriwo zvaakarima pamba pake.

“Ishe wangu, ndakanga ndakazvirimira chibage nemavheji asi zvakadzurwa zvose vachikanda mumba vakabva vatema midziyo yangu. Saka ndakavasungisa uye vakanzi nemapurisa vanofanira kundibhadhara midziyo yangu yavakapunza mushure mekunge ndavaregerera kuti vasapinzwa muchitokisi sezvo vose vaine vana vacheche,” akadaro Manyangadze.

Mercy akapokana nezvakataurwa achiti hapana mari yaanofanirwa kumubhadhara nekuti akanga amuregerera uye kuti Manyangadze akazviputsira midziyo yake oga.

“Takaenda kudare redzimhosva akati akanga andiregerera saka zvemari yake handisi kuzvinzwisisa. Kana iri nyaya yemidziyo ishe wangu, akazvipazira oga iri nyaya yekuda kundipfidzisa,” akadaro.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati vaviri ava vadzoke zvakare kudare apo vanofanira kuuya nemapurisa anoziva nezvenyaya yavo kuti azope umboo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×