Kasikana konzi kapedza varume

Gabriel Singano

KASIKANA kekupomerwa kuzezesa munharaunda yakanogara nekutora varume vevaridzi kakazodhonzerwa kudare mushure mekunge katukirira mumwe mukadzi ndokuzokwekweretsa murume wake kakamubata bhande kachienda naye.Sarudzai Manzvimbo akaudza dare reHarare Civil Court kuti Yeukai Bhigara anetsa nekutora varume vevanhu uye kana ave kutukirira haana ganda kumeso.

“Changamire, kamwana aka kakaenzana nevana vangu vandakabereka zvokuti hakafaniri kutorera isu anamai vako varume. Ukamubvunza mwana iyeyu, anotokutsvukisira kumeso agotukirira raini rose richinzwa.

“Izera remwana wangu asi ava kutora zera rababa vake kuita murume. Ivo varume vose vapera nako kamwana ikaka. Kanototi varume ivava varume vakowo uye hatina chanzi kana kachipopota,” akadaro Manzvimbo.

Akaenderera mberi achiti murume wake paanouya kumba Bhigara anototevera omukwekweretsa akabamuta bhande achienda naye veruzhinji vachiona.

“Murume wangu akauyawo kumba unotoona kachiuya kopopota pamusuwo zvokuti murume akasabuda kanotukirira kozomukwekweretsa bhurukwa vachienda. Izvi haaitire pamba pangu poga asi kutori nedzimwe dzimba nhatu dzemunharaunda dzaari kushungurudza,” akadaro.

Bhigari akaudza dare kuti iye naManzvimbo vari pachipari.

“Ini nditoriwo mukadzi wemurume iyeye. Amai ava ndingavatukirei hangu? Ndinotongoenda kumba kwavo ndakaona kuti murume anenge agarisa asingauye kwangu nekuti tine mwana tose,” akadaro Bhigari.

Akati haadanane nevarume vakawanda asi kuti Manzvimbo ndiye anofambisa mashoko akaipa pamusoro pake.

“Ini handina chipari chevarume asi kuti amai ava ndivo vanongondishambadza zvenhema,” akadaro.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa Manzvimbo gwaro redziviriro ndokuyambirawo Bhigari kuti asiyane nekatsika kekumutukirira.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *