Chimutsamapfihwa nemusengabere

Ticha Danga
“TAUYA naye nemagumbeze

Muroora, tauya naye,

Muroora tauya naye,

Muroora, tauya naye nemagumbeze.”

Urwu rwuyo rwunoimbwa kazhinji kana muroorwa achitambirwa mumusha. Vamwe vanorwuimba musi wekupururudza muroora anenge auya mumusha. Musi wacho panova nekufara nekutamba kukuru kana paita muroora zvisinei nekuti auya sei.

Nzira dzewanano dzakati wandei kubva mune mbiri dzatakaburitsa muchikamu chapfuura.

Kunze kwembiri dzatakatsanangura muzvikamu zvapfuura, kune dzimwe nzira dzinokwana gumi nekuraudzira idzo vanhu vanowanana nadzo. Kune nzira inoshandiswa nekuda kwekushaya twuso. Mumba munogona kupinda nzara mbishi zvekuti chekukanda mukanwa panenge pasina. Zvakadai dzimwe dzimba dzinenge dzine hudyi hwunofashafasha. Vaya vapindwa nenzara ndipo vanotora mwanasikana wavo vomuendesa kuya kune vanowana kuti awanikwe vagopihwa kudya.

Havatarisiri kuwana mari asi kuti matura avo akukumukewo vagowana chokudya. Izvi hazvinei kuti mwanasikana anoda here kana kwete asi kuti chinotuma izvi inzara.

Guganha imwe yenzira yaishandiswa uye ichiri kushandiswa kune dzimwe nzvimbo. Iyi nzira inogona kushandiswa nevakomana kana vasikana kuwanana nevavanoda. Mukomana anogona kufarira musikana weimwe imba iye otuma vanonomumirira kuvabereki vemusikana. Vanonomunyengetedzera vabereki vemusikana pamwe naiye musikana kusvikira vawirirana.

Vamwewo ndiye vanowanana nenzira yekutema ugariri. Nzira iyi inouya nekuda zvakare kwekushaya chekubata kumukomana. Anenge achidanana nemusikana wake zvikuru asi kuti awane chouviri chekunobvisa kwatezvara ochishaya.

Nekudaro anoenda onotaurirana nevabereki vomusikana kuti ashande zvake pamba pavo kwemakoare avanenge vawirirana natezvara ozotora musikana wake kana apedza kumushandira.

Dzimwe nguva mukomana anenge achida musikana asi musikana achitsika madziro. Chero kudotuma gwevedzi rine mukanwa munotapira sei, anenge achingoramba. Kurambwa kwaita mukomana hazvirevi kuti shungu nerudo zvaguma.

Mukomana anosvika pakufunga zano rekuhwandira musikana kuti agomutakura otizira naye kumba kwavo. Akabudirira kutora nekutiza nemusikana uyu anonzi aita zvokuwana nemusengabere.

Musengabere unoitwa nevakomana asi kana vave vasikana zvasiyana. Musikana anogona kuedza kutora moyo wemukomana asi mukomana achiramba. Akaona kuti zvekukwezva moyo zvaramba, anomboedza vamiririri. Kana zvose zvaramba, anongotuta twake onanga kumba kwemukomana kunoti watove murume wangu, ndavinga iwewe.

Kuedza kumudzinga anoramba ari chikwekwe kusvikira matowirirana. Kuwanikwa kwakadai kunonzi chimhurira.

Vamwe vanowana kana kuwanikwa kubudikidza nengozi inenge yapinda mumusha. Kana ari murume akapondwa anogona kuda kuripwa nekupihwa mukadzi. Saka mhuri yanyakuponda inotsvaga musikana achaendeswa kumhuri yanyakupondwa onoitwa mukadzi ikoko.

Asi iyi tsika haichakurudzirwa mazuva ano nekuda kwekuti inombunyikidza kodzero dzeanenge achinoripiswa ngozi.

Vamwewo vakafirwa nevakadzi vanotsivirwa kana kupihwa mumwe mukadzi nana tezvara. Mukadzi waanenge apihwa kutsiva uya afa anonzi chimutsamapfihwa.

Vamwewo vanowana nekugara nhaka. Vanotora kana kupihwa mukadzi wemukoma kana munin’ina anenge ashaya.

Kunozoitawo vamwe vanochaya mapoto. Ava ndivo vanenge vachigara vose pasina kana kobiri rakabviswa kwatezvara. Vanotoita mhuri asi pasina kana pfuma yakabviswa.

Related Posts

Hativhunduke Harare derby: CAPS United

Tadious Manyepo naEddie Chikamhi MUKURU-MUKURU weCAPS United, Farai Jere, anoti havazi kumborohwa nehana nekuda kwemutambo weCastle Lager Premier Soccer League pakati pechikwata chake neDynamos, uyo unozivikanwa nekunzi Harare derby, kuRufaro…

Bhizimusi guru kubva pamavambo anoshoreka

Flora Fadzai Sibanda MAKORE maviri adarika, munzvimbo yakanyarara yeWard 6, mudunhu reUmguza, Gracious Sibanda, uyo ane makore 31 okuberekwa, akaita sarudzo yaizoshandura upenyu hwake zvishoma nezvishoma. Izvi hazvina kutanga nehurongwa…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *