Chinos ava ne’band’

Kingstone Mapupu

NHENGO yeZANU-PF iri kukwikwidza musarudzo dzeNational Assembly kudunhu reBuhera South, Cde Joseph Chinotimba, vakavamba chikwata chemimhanzi icho chinovaraidza vanhu vanoda zvemafaro pachena ikoko.

Chikwata ichi chinodaidzwa kuti Bhuruwayo Logistics Band. Chichitungamirirwa naMoses Chikepe, chikwata ichi chine nhengo gumi neshanu.

Cde Chinotimba vanoti dunhu ravo rinozivikanwa nevaimbi vane mukurumbira vanosanganisira Knowledge Kunenyati uyo anobva kwaMuzokomba, Taruvinga “Shuga-Shuga” Manjokota anobvawo kwaManjokota nemuchakabvu Paul “Murambinda” Mpofu uyo aibva kwaMurambinda.

“Chionai vamwe vakashaika uye vamwe vapenyu asi mbiri yevaimbi vekuno yabhuruvara. Takaona zvakakodzera kuti tirusimudzire nechikwata changu chitsva chinodaidzwa kuti Bhuruwayo Logistics.

“Chikwata ichi chinogara muno chichiridzira vagari vemuno muBuhera South pachena uye vanoridza misambo yose. Musavatyire zvenyu, vanhu vaona nhamo nekutamba kongonya. Kana Kanindo yemuhondo vanobanzura,” vanodaro.

Mumisangano inoenda Cde Chinotimba, chikwata ichi chinowanikwa chiripowo chichivaraidza veruzhinji.

“Tine vemabhawa nemuzvikoro uko chikwata ichi chinonofadza vanhu pachena. Vamwe vangati takazochiti Bhuruwayo sei, izita rakangouyawo zvapinda mupfungwa dzangu.

“Tine nyanzvi dzakabva kune zvimwe zvikwata zvaiva nemukurumbira muno uye nziyo ndinovapa ivowo vane dzavo. Zvekutsikisa zviri kuuya nekufamba kwenguva,” vanodaro Cde Chinotimba, avo kunze kwekuve mumiririri weBuhera South, vanozivikanwawo nekufadza veruzhinji.

Chikepe anotenda midziyo mitsva yavanoridzisa iyo yavakatengerwa naCde Chinotimba achiti ndeyechizvino-zvino.

“Hatina nguva yekuzorora kana tatanga kuridza. Tinoridza munzvimbo dzinosanganisira Muzokomba, Mutiusinazita, Bangure, Masasa, Zangama, Mushongwi kunosvika kuBirchenough. Tinorova misambo yise pasina dambudziko uye itarisiro yedu kuenda mberi nemimhanzi,” anodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *