Chipatapata kunokorokoza kuMoza

KUWANIKWA kweimwe mhando yematombo anonzi akakosha kuCabora Bassa, kunyika yeMozambique, kwakonzera kuti vagari vekuMukumbura vaite chipiti-piti kumakomo ari kuwanikwa matombo aya.
Matombo aya anonzi ari kuwanikwa kuKaropora, kuMozambique, nzvimbo inoganhurana nekwaShe Chiswiti, kuMt Darwin.

Sabhuku Chimushonga, VaZenda Mutanda (68), vekuChiswiti, vanoti kuwanikwa kwematombo aya kwakonzera kuti mimwe misha isare ichinge matongo vanhu vatibuka kuenda kuMozambique kunochera matombo aya.

“Mumisha yakawanda kutaura kuno hamuna vanhu, vakayambuka kuMozambique kunoedza mhanza yematombo aya. Vamwe vari kudzoka vatova nemari yavo, zvapundutsa mhuri zhinji.

“Asi dambudziko nderekuti dzimwe dzimba dzichaparara nekuti mamwe madzimai ari kuenda achinogara ikoko vachisiya varume. Vamwewo varume vanoendawo vachinosangana nemamwe madzimai,” vakadaro Sabhuku Chimushonga.

Matombo aya anonzi anoshandiswa kunakisa huriri nemadziro edzimba nezvimwe zvivakwa.

Anonzi ari kucherwa kumakomo ekuMozambique, kusanganisira kuNyambiya, Deveteve, Manyange nekunonzi kwaBushu.

Matombo aya anonzi anobva atengwa ipapo sezvo vanoada vachinzi vanenge vakatoamirira.

Mumwe wevakamboenda kunochera matombo aya, Anywhere Marovahupo (30), anoti kumakomo ari kucherwa matombo aya kwakazara vanhu vanenge vachikorokoza.

“Kwakazara vanhu vanobva muZimbabwe nevaikoko kuMozambique. Masabhuku eko ndiwo anotinyora mazita kuti uzopihwa mvumo yekupinda mumakomo aya. Saga rematombo aya rinotengwa neUS$6, pazuva unogona kuita masaga matatu,” akadaro.

Asi kuti vanhu vanosvika uku zvinonzi zvine njodzi sezvo mimwe migwagwa yacho iine zvimbambaira zvakachererwa munguva yehondo nemabhunu.

“Mimwe migwagwa yacho yakaipa zvikuru, ine zvimbambaira. Pakuendako munototungamirirwa nevanoziva migwagwa, uye kunosvika uku hakunetse sezvo vamwe vagari vekumuganho weZimbabwe neMozambique vari hama nehama,” akadaro Anywhere.

Vagari veuku vanoti kuwanikwa kwematombo aya kuchavabatsira zvikuru sezvo kuDande kusinganaye mvura zvakanaka izvo zvinokonzera kudzikira kwemabasa ekurima.

“Matombo aya akaramba ariko dunhu redu richasimukira nekuti donje ratinorima kuno haribhadhare mari yepamusoro,” akadaro Anywhere.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×