‘Chipfambi hachisi kubhadhara’

MUKADZI wekuendeswa kudare nenyaya yechikwereti cherendi, uyo akapupura pachena kuti ipfambi yemakoko, akati pari zvino haakwanisi kubhadhara mari iyi nekuti basa raanoita harisi kubhadhara.
Innocent Hapunyungwe akazvuvira Valentine Chinongwe kuHarare Civil Court achida mari yake yerendi.

“Mukadzi uyu airoja pamba pangu akauya achiti iye mari anoiwana nenzira dzechipfambi. Paaishaya ndaimbomunzwisisisa asi akazotora mwedzi yakati wandei asisade kubhadhara rendi, ndipo pandakamudzinga.

Akanga ava kuunza varume vakasiyana zuva nezuva achivachinjanisa kunge nhumbi asi asingade kundipa mari yangu,” akadaro Hapunyungwe.

“Ndinoda mari yangu nekuti imba yangu akanga ava kuiita lodge achiwana mari varume verudzi rwese vaiuya.
Ndiri kuda $168 yerendi yausina kundipa.

“Zvakare anofanirwa kugadzirisa gonhi remaaigara raakagwejenura achirwisana nechikomba chakange chamunyima mari,” akadaro Hapunyungwe.

Chinongwe haana kuwirirana nezvaitaurwa naHapunyungwe achiti haana mari sezvo varume vaaiwana mazuva adarika vainge vasingabhadhare.

“Ini hangu mari ndakamutsanangurira kuti handina, varume vange vachiuya mazuva apera havana kundibhadhara zvandaifungira.

“Ndaitosiirwawo yenyama nechingwa chete.

“Uyezve kana ndiine chikwereti hachisvike mari yaunotaura nekuti ndaimboti ndikabata mari ndaikupa.

“Ini hangu handina mari, kana ndatozowana asi handizive kuti gore ripi, zvakare ndakabva ndisingachataudzane newe nekuda kwekuti waindivengera varume chaivo vaiuya mumba mangu iwewe waidawo.

“Mabasa anosiyana, ndisiye ndakadaro une majerasi,” akadaro Chinongwe.

Mutongi Audrey Tarugarira akati Chinongwe abhadhare chikwereti che$168.

 

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×